1 Johani 1
1
Upenyu huri muna Jesu Kristu
1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namaoko edu, zveShoko roupenyu 2(upenyu hwakaratidzwa, tikahuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri): 3izvo zvatakaona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraiwo, kuti nemiwo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, naMwanakomana wake Jesu Kristu. 4Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe.
Fambai muchiedza, mureurure zvivi zvenyu
5Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidziraiwo, kuti Mwari chiedza, hamuna rima maari. 6Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiite chokwadi; 7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose. 8Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, chokwadi chisiri matiri.
9Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye akatendeka akarurama, nokudaro anotiregerera zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose. 10Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002