Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye.
Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera. Uyo, unoti, ndiri muciedza, aciʋeŋga hama yake, uciri murima kuȿikira ɀino. Unoɗa hama yake, unogara muciedza, hapanecigumbuso maari. Asi unoʋeŋga hama yake, uri murima, unofamba murima haaziʋi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake. Ndinokunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti munoziʋa Ƃaɓa. Ndakunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMŋari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika. Nyika inopfuʋura nokuciʋa kwayo; asi unoita kuɗa kwaMŋari, unogara nokusiŋgaperi.
Ʋanana, iŋguʋa yokupedzisira; seɀamakanzwa kuti antikristu unoʋuya, naɀino ʋanaantikristu ʋazhinji ʋaʋa’po; ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti yaʋa ŋguʋa yokupedzisira. Ʋakabva kwatiri, asi ʋakaŋga ʋasati ʋari ʋeɗu, nokuti ɗai ʋaiʋa ʋeɗu, ʋaŋgaɗai ʋaigara nesu; asi ʋakabʋa kuti ʋaʋonekwe kuti ʋose haʋazi ʋeɗu. Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutȿene, munoziʋa mose. Handina‐kukunyorerai ndiciti hamuziʋi ɀokwaɗi, asi nokuti munoiziʋa, ʋuye nokuti hakunenhema dziŋgabva paɀokwaɗi. Ndianiko mureʋi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Ƃaɓa noMŋanakomana. Aninani unoramba Mŋanakomana, naiye haanaƂaɓa ʋo. Kana muri’mi, iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga, ŋgaɀigare mamuri. Kana iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga ɀicigara mamuri, nemi ʋo mucagara muMŋanakomana, nomunaƂaɓa. Ndicoci cipikirwa caakatipikira, ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. Ɀinhu iɀi ndakakunyorerai pamsoro paʋanokutsausai. Kana muri’mi, kuzodzwa kwamakagamucira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, seɀakunokudzidzisai pamsoro peɀinhu ɀose, kuri kwaɀokwaɗi, dzisati dziri nhema, seɀakwakakudzidzisai, garai maari. Ɀino, ʋana ʋaɗuku, garai maari, kuti, kana acizoʋoneswa, tiʋe nokusatya, tirege kunyadziswa ʋo pamberi pake pakuʋuya kwake. Kana muciziʋa kuti iye wakarurama, ziʋai ʋo kuti mumŋe nomumŋe unoita ɀakarurama wakaɓerekwa naye.