Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 2:3-29

1 Johani 2:3-29 SCLBD

Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo. Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva asi mutemo wapasi chigare, wamaingova nawo kubva pakutanga. Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa. Kunyange zvakadaro zvazvo asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri, nokuti rima riri kupfuura, chiedza chechokwadi chava kutopenya. Munhu anoti ndiri muchiedza asi iye achivenga hama yake, achiri murima. Anoda hama yake ari muchiedza; machiri hamuna chinomugumbura. Asi munhu anovenga hama yake, ari murima uye ari kufamba murima uyewo haasi kuziva kwaari kuenda, nokuti rima rakamupofomadza maziso. Ndiri kukunyorerai vanangu, nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechiduku nokuti makakunda muipi. Ndiri kukunyorerai imi vana nokuti munoziva baba. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechidiki nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi. Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika. Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi. Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira uye sokunzwa kwamakaita kuti mhandu yaKristu iri kuuya, saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya. Naizvozvo tinoziva kuti ino yava nguva yokupedzisira. Vakabva mukati medu, asi vakanga vasiri vamwe vedu nokuti dai vakanga vari vedu, vangadai vakaramba vanesu. Asi vakabva mukati medu kuti zvibude pachena kuti, vose zvavo, havasi vedu. Asi imi makazodzwa naiye Mutsvene imi mose munozviziva. Ndinokunyorerai, kwete, nokuti hamuzivi chokwadi asi nokuti munochiziva uye nokuti hakuna manyepo anobva muchokwadi. Ndiani munyepi? Kusiya uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu nokuti anoramba Baba naMwanakomana. Wose anoramba Mwanakomana, Baba haanavowo. Wosewo anobvuma Mwanakomana, Baba anavowo. Regai zvamakanzwa pakutanga zvirambe zviri mamuri. Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri ipapo imi mucharamba muina Mwanakomana uye muina Babawo. Upenyu husingaperi ndicho chitsidzo chaakatitsidzira. Ndiri kukunyorerai izvi nezvevavo vangakunyengedzei. Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye. Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama munofanira kunyatsoziva kuti munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye.

Verenga chikamu 1 Johani 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 Johani 2:3-29