1 VaKorinde 9:16-23
1 VaKorinde 9:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kana ndichiparidza vhangeri, handingazvirumbidzi, nokuti ndinosungirwa kuti ndiparidze. Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi vhangeri! Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza. Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro. Kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro (kunyange zvangu ndisina kusununguka kubva pamurayiro waMwari, ndiri pasi pomurayiro waKristu), kuti ndiwane vaya vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka. Ndinoita zvose izvi nokuda kwevhangeri, kuti ndigovere maropafadzo aro.
1 VaKorinde 9:16-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana ndichiparidza Vhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Vhangeri. Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubayiro; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza Vhangeri, ndivigire vanhu Vhangeri vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reVhangeri. Nokuti kunyange ndakasununguka kuna vose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurayiro, kunyange ndisati ndiri pasi pomurayiro hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurayiro; kuna vasina murayiro, ndakava somunhu asina murayiro, kunyange ndisati ndiri munhu asina murayiro waMwari, asi pasi pomurayiro waKristu, kuti ndiwane vasina murayiro. Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose. Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweVhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwechete navamwe.
1 VaKorinde 9:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti kana ndikaparidza Shoko Rakanaka hazvisiri izvo zvinondipa kuti ndizvirove dundundu nokuti ibasa randinofanira kuita. Hameno zvangu kana ndikarega kuparidza Shoko Rakanaka! Dai kuri kuti ndinoita izvi nokuda kwangu ndingadai ndiine mubayiro asi kana kusiri kuda kwangu ndinongoriitawo sebasa randakapiwa. Ko zvino mubayiro wangu ndeweiko? Ndouya wokuti ndiparidze Shoko Rakanaka pasina muripo, ndisingagamuchiri zvandinokodzera pamusana pokuparidza Shoko Rakanaka. Kunyange ndisiri muranda waani zvake, ndakazviita muranda wavose kuti ndiwane vakawanda. KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo. Kuna vari kunze komutemo ndakaita sendiri kunze komutemo asi kwete somunhu ari kunze komutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKristu kuti ndiwane vari kunze komutemo. Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo. Zvose izvozvo ndinozviitira Shoko Rakanaka kuti ndigowanawo zvandinowana muzvikomborero zvaro.
1 VaKorinde 9:16-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, handina‐candiŋgaɀirumbidza naco, nokuti ndinoroʋererwa; ndinenhamo, kana ndisiŋgaparidzi Evaŋgeri. Nokuti kana ndiciɀiita ndiciɗa ini, ndinomuɓairo; asi kana ndiciɀiita ndisiŋgaɗi, ndakapiwa haŋgu ʋutariri. Ɀino muɓairo waŋgu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, ndiʋigire ʋanhu Evaŋgeri ʋasiŋgaripi, kuti ndirege kuɀiɓatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvaŋgeri. Nokuti kunyaŋge ndakasunuŋguka kunaʋose, ndakaɀiita muranda waʋose, kuti ndiwane ʋazhinji kwaɀo. KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa somunhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo; kunaʋasinomurairo, ndakaʋa somunhu usinomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri munhu usinomurairo waMŋari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane ʋasinomurairo. Kunaʋasinesimba ndakaʋa usinesimba, kuti ndiwane ʋasinesimba; ndakaʋa ɀose kuʋanhu ʋose, kuti ndiponese ʋamŋe nemitoʋo yose. Ɀinhu ɀose ndinoɀiita nokuɗa kweEvaŋgeri, kuti ndigoʋerwe iyo pamŋe cete naʋamŋe.
1 VaKorinde 9:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)