1 Vakorinde 9
9
Basa roMupositori
1Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi? 2Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi.
3Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza. 4Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu? 5Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi 6kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa? 7Ndoupi murwi wehondo anoita basa rake romuhondo iye achizviriritira. Ndiani anosima munda wamagirepisi asingadyi muchero wawo? Ndiani anofudza zvipfuo asingadyi mukaka wazvo?
8Ko izvi ndiri kungotaura zvokungotaurawo somunhu here? Mutemo haudarowo here? 9Ndinodaro nokuti zvakanyorwa mumutemo waMosesi zvichinzi, “Usaise dhonza matomu kana richitsokodzera mbeswa.” Mwari anongova nehanya namadhonza chete here? 10Haasi kungotaura nezvedu chete here? Zvakanyorerwa isu nokuti murimi anofanira kurima nechitarisiro nomupuri anopura nechitarisiro chokuwana chaanowana pane zvaanokohwa. 11Zvino kana takadyara zvinhu zvakanaka zvomweya pakati penyu kungave kunyanyisa here tikakohwa zvimwe zvinhu zvenyu? 12Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu. 13Hamuzivi here kuti vanoshanda muTemberi vanowana chokudya chavo kubva muTemberi. Vanoshandawo paatari vanowana mugove wavo pazvibayiro zvinopirwa izvozvo. 14Saizvozvowo Tenzi akati vanoparidza Shoko Rakanaka vanofanira kuwana zvinovararamisa kubva kuShoko Rakanaka.
15Asi ini handina kushandisa mvumo yezvinhu zvose izvozvo. Uye handisi kunyorera kuti ndizviwanire izvozvo. Ini ndingatosarudza kufa pano kuti munhu anditorere chinondipa chacho kuzvirova dundundu. 16Nokuti kana ndikaparidza Shoko Rakanaka hazvisiri izvo zvinondipa kuti ndizvirove dundundu nokuti ibasa randinofanira kuita. Hameno zvangu kana ndikarega kuparidza Shoko Rakanaka! 17Dai kuri kuti ndinoita izvi nokuda kwangu ndingadai ndiine mubayiro asi kana kusiri kuda kwangu ndinongoriitawo sebasa randakapiwa. Ko zvino mubayiro wangu ndeweiko? 18Ndouya wokuti ndiparidze Shoko Rakanaka pasina muripo, ndisingagamuchiri zvandinokodzera pamusana pokuparidza Shoko Rakanaka.
19Kunyange ndisiri muranda waani zvake, ndakazviita muranda wavose kuti ndiwane vakawanda. 20KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo. 21Kuna vari kunze komutemo ndakaita sendiri kunze komutemo asi kwete somunhu ari kunze komutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKristu kuti ndiwane vari kunze komutemo. 22Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo.
23Zvose izvozvo ndinozviitira Shoko Rakanaka kuti ndigowanawo zvandinowana muzvikomborero zvaro. 24Hamuzivisu kuti pamakundano okumhanya vamhanyi vose vanokwikwidzana asi mumwechete ndiye anowana mubayiro? Saizvozvo mhanyai kuti muuwane. 25Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. 26Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo. 27Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.