Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 9:16-23

I ƲaKorinte 9:16-23 SUB1949

Nokuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, handina‐candiŋgaɀirumbidza naco, nokuti ndinoroʋererwa; ndinenhamo, kana ndisiŋgaparidzi Evaŋgeri. Nokuti kana ndiciɀiita ndiciɗa ini, ndinomuɓairo; asi kana ndiciɀiita ndisiŋgaɗi, ndakapiwa haŋgu ʋutariri. Ɀino muɓairo waŋgu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, ndiʋigire ʋanhu Evaŋgeri ʋasiŋgaripi, kuti ndirege kuɀiɓatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvaŋgeri. Nokuti kunyaŋge ndakasunuŋguka kunaʋose, ndakaɀiita muranda waʋose, kuti ndiwane ʋazhinji kwaɀo. KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa somunhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo; kunaʋasinomurairo, ndakaʋa somunhu usinomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri munhu usinomurairo waMŋari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane ʋasinomurairo. Kunaʋasinesimba ndakaʋa usinesimba, kuti ndiwane ʋasinesimba; ndakaʋa ɀose kuʋanhu ʋose, kuti ndiponese ʋamŋe nemitoʋo yose. Ɀinhu ɀose ndinoɀiita nokuɗa kweEvaŋgeri, kuti ndigoʋerwe iyo pamŋe cete naʋamŋe.