1 VaKorinde 9:1-12
1 VaKorinde 9:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamusi chibereko chebasa rangu muna She here? Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She. Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare. Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here? Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanunʼuna vaShe naKefasi? Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame? Ndianiko angandorwa muhondo achizviripira mubayiro? Ndianiko angasima munda wamazambiringa uye akasadya mazambiringa acho? Ndianiko angafudza makwai uye akasanwa mukaka wawo? Ko, ndinotaura izvo nokutaura kwavanhu here? Ko, murayiro haurevi zvimwe chetezvo here? Nokuti zvakanyorwa mumurayiro waMozisi, zvichinzi, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.” Ko, Mwari ane hanya nenzombe here? Zvirokwazvo anotaura izvi kwatiri, hazvisizvo here? Hongu, zvakanyorerwa isu, nokuti kana murimi achirima, nomupuri achipura, anofanira kuita izvi netariro yokuti achagoverwawo gohwo. Kana isu takadyara zvinhu zvomweya pakati penyu, chingava chinhu chikuru here kana tikakohwa zvinhu zvenyu zvenyama? Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.
1 VaKorinde 9:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handizi wakasununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu muna Ishe here? Kana ndisati ndiri mupostori kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chohupostori hwangu muna Ishe. Kuzvidavirira kwangu kuna ivo vanonditonga ndikoku: Hatina simba rokudya nokunwa here? Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapostori navanun'una vaIshe, naKefasi here? Ko ini ndoga naBhanabhasi hatina simba rokurega kubata basa here? Ndianiko angandorwa achizviripira mubayiro? Ndianiko anorima munda wemidzambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko anofudza boka, akasadya mukaka weboka? Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here? Ko murayiro haurevi saizvozvowo here? Nokuti pamurayiro waMosesi pakanyorwa, pachiti, “Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.” Ko Mwari ane hanya nenzombe here? Kana anoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti anorima anofanira kurima netariro; noanopura, achitarira kuti uchagoverwawo. Kana isu takakudyarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama? Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.

1 VaKorinde 9:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi? Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi. Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza. Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu? Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa? Ndoupi murwi wehondo anoita basa rake romuhondo iye achizviriritira. Ndiani anosima munda wamagirepisi asingadyi muchero wawo? Ndiani anofudza zvipfuo asingadyi mukaka wazvo? Ko izvi ndiri kungotaura zvokungotaurawo somunhu here? Mutemo haudarowo here? Ndinodaro nokuti zvakanyorwa mumutemo waMosesi zvichinzi, “Usaise dhonza matomu kana richitsokodzera mbeswa.” Mwari anongova nehanya namadhonza chete here? Haasi kungotaura nezvedu chete here? Zvakanyorerwa isu nokuti murimi anofanira kurima nechitarisiro nomupuri anopura nechitarisiro chokuwana chaanowana pane zvaanokohwa. Zvino kana takadyara zvinhu zvakanaka zvomweya pakati penyu kungave kunyanyisa here tikakohwa zvimwe zvinhu zvenyu? Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu.
1 VaKorinde 9:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handizi wakasunuŋguka here? Handizi muapostora here? Handina‐kuʋona Jesu, Ishe weɗu here? Imi hamuzi ɓasa raŋgu munaShe here? Kana ndisati ndiri muapostora kunaʋamŋe, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀirokwaɀo ndiri muapostora kwamuri haŋgu; nokuti imi muri cisimbiso coʋuapostora bgaŋgu munaShe. Kuɀiɗaʋirira kwaŋgu kunaiʋo ʋanonditoŋga ndikoku: Hatinesimba rokudya nokunwa here? Hatinesimba rokufamba nomukadzi iri hama, saʋamŋe ʋaapostora naʋanuŋuna ʋaShe, naKefasi here? Ko ini ndoga naBarnabasi hatinesimba rokurega kuɓate‐ɓasa here? Ndianiko uŋgandorwa aciɀiripira muɓairo? Ndianiko unorima munda wemizambiriŋga, akasadya ɀiɓereko ɀawo? Ndianiko unofudza ɓoka, akasadya mukaka weɓoka? Iɀi ndinoɀitaura nokutaura kwaʋanhu here? Ko murairo haureʋi saiɀoɀo ʋo here? Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, paciti: Usasuŋga muromo wenzombe inopura ɀiyo. Ko Mŋari unehanya nenzombe here? Kana unoreʋa saiɀoɀo nokuɗa kweɗu kwoga here? Ɀirokwaɀo, ɀakanyorwa nokuɗa kweɗu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, acitarira kuti ucagoʋerwa ʋo. Kana isu takakudɀarirai ɀinhu ɀomŋeya, ciŋgaʋa cinhu cikuru here kana ticiceka ɀinhu ɀenyu ɀenyama? Kana ʋamŋe ʋacipiwa simba pamsoro penyu, ko isu hatipiwi iro ɀikuru here? Asi hatina‐kuɀiɓatira nesimba iro; asi tinotambudzika paɀose, kuti tirege kudziʋisa Evaŋgeri yaKristu.
1 VaKorinde 9:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)