Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi? Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi. Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza. Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu? Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa? Ndoupi murwi wehondo anoita basa rake romuhondo iye achizviriritira. Ndiani anosima munda wamagirepisi asingadyi muchero wawo? Ndiani anofudza zvipfuo asingadyi mukaka wazvo? Ko izvi ndiri kungotaura zvokungotaurawo somunhu here? Mutemo haudarowo here? Ndinodaro nokuti zvakanyorwa mumutemo waMosesi zvichinzi, “Usaise dhonza matomu kana richitsokodzera mbeswa.” Mwari anongova nehanya namadhonza chete here? Haasi kungotaura nezvedu chete here? Zvakanyorerwa isu nokuti murimi anofanira kurima nechitarisiro nomupuri anopura nechitarisiro chokuwana chaanowana pane zvaanokohwa. Zvino kana takadyara zvinhu zvakanaka zvomweya pakati penyu kungave kunyanyisa here tikakohwa zvimwe zvinhu zvenyu? Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 9:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo