Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 9:1-12

1 VaKorinde 9:1-12 SNA2002

Handizi wakasununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu, Ishe wedu here? Imi hamuzi basa rangu muna Ishe here? Kana ndisati ndiri mupostori kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri hangu; nokuti imi muri chisimbiso chohupostori hwangu muna Ishe. Kuzvidavirira kwangu kuna ivo vanonditonga ndikoku: Hatina simba rokudya nokunwa here? Hatina simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapostori navanun'una vaIshe, naKefasi here? Ko ini ndoga naBhanabhasi hatina simba rokurega kubata basa here? Ndianiko angandorwa achizviripira mubayiro? Ndianiko anorima munda wemidzambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko anofudza boka, akasadya mukaka weboka? Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here? Ko murayiro haurevi saizvozvowo here? Nokuti pamurayiro waMosesi pakanyorwa, pachiti, “Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.” Ko Mwari ane hanya nenzombe here? Kana anoreva saizvozvo nokuda kwedu kwoga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti anorima anofanira kurima netariro; noanopura, achitarira kuti uchagoverwawo. Kana isu takakudyarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama? Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.