1 VaKorinde 4:14-17
1 VaKorinde 4:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda. Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri. Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu. Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.
1 VaKorinde 4:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handikunyoreri zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei savana vangu vanodikanwa. Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neVhangeri. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu. Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeudzai mitoo yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
1 VaKorinde 4:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei asi kuti ndikutsiurei savana vangu vapamwoyo, nokuti kunyange muna vadzidzisi vakazanirana munaKristu asi hamuna vanababa vakawanda. Ini ndakava baba venyu muna Kristu nokuda kweShoko Rakanaka. Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti munditevedzere. Pamusana paizvozvo ndiri kukutumirai Timoti, mwana wangu wapamwoyo wakatendeka muna Tenzi kuti akuyeuchidzei mugariro wangu muna Kristu sokuvadzidzisa kwandinoita kose kose musangano rimwe nerimwe.
1 VaKorinde 4:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handikunyoreriyi ɀinhu iɀi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei saʋana ʋangu ʋanoɗikanwa. Nokuti kunyaŋge maiʋa naʋadzidzisi ʋaneɀuru ɀinegumi munaKristu, hamuna‐madziɓaɓa mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuɓerekai neEvaŋgeri. Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti muʋe ʋateʋeri ʋaŋgu. Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mŋana waŋgu unoɗikanwa, wakatendeka munaShe; iye ucakuyeʋudzai mitoʋo yaŋgu iri munaKristu Jesu, seɀandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
1 VaKorinde 4:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)