Handikunyoreriyi ɀinhu iɀi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei saʋana ʋangu ʋanoɗikanwa. Nokuti kunyaŋge maiʋa naʋadzidzisi ʋaneɀuru ɀinegumi munaKristu, hamuna‐madziɓaɓa mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuɓerekai neEvaŋgeri. Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti muʋe ʋateʋeri ʋaŋgu. Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mŋana waŋgu unoɗikanwa, wakatendeka munaShe; iye ucakuyeʋudzai mitoʋo yaŋgu iri munaKristu Jesu, seɀandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
Verenga chikamu I ƲaKorinte 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I ƲaKorinte 4:14-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo