Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 4:14-17

1 VaKorinde 4:14-17 BDSC

Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda. Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri. Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu. Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.