Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 4

4
Varanda vaKristu vachatongwa naKristu
1Munhu upi noupi ngaatirangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. 2Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. 3Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene. 4Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi anonditonga ndiye Ishe.
5Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
Kusazvikudza kwavapostori
6Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.” 7Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
8Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe hwenyu, kuti isu tibatewo pamwechete nemi. 9Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu. 10Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera muna Kristu; isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. 11Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara; 12tinotambudzika, tichibata namaoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga mwoyo; 13kana tichipomerwa mhosva, tinovarayidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
14Handikunyoreri zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei savana vangu vanodikanwa. 15Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neVhangeri. 16Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu. 17Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeudzai mitoo yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
18Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti ndinenge handiuyi kwamuri. 19Ndichakurumidza kuuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo. 20Nokuti ushe hwaMwari hahuzi pamashoko, asi pasimba. 21Munotsvakeiko? Ndiuye kwamuri neshamu, kana norudo nomweya wounyoro here?

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 4: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda