Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 4:14-17

1 VaKorinde 4:14-17 SNA2002

Handikunyoreri zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei savana vangu vanodikanwa. Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu ini ndakakuberekai neVhangeri. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu. Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeudzai mitoo yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.