1 VaKorinde 4:1-13
1 VaKorinde 4:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka. Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu. Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga. Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari. Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe. Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa? Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi! Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu. Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa! Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara. Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira; kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.
1 VaKorinde 4:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu upi noupi ngaatirangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari. Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga kwomunhu; handizvitongi ini ndimene. Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi anonditonga ndiye Ishe. Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari. Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.” Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa? Matoguta, matopfuma, mabata ushe kunze kwedu; dai maibata ushe hwenyu, kuti isu tibatewo pamwechete nemi. Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu. Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera muna Kristu; isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. Kusvikira nguva ino isu tine nzara, tine nyota, hatina chatingafuka, tinorohwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara; tinotambudzika, tichibata namaoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga mwoyo; kana tichipomerwa mhosva, tinovarayidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
1 VaKorinde 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari. Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka. Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho. Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi. Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari. Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose.
1 VaKorinde 4:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu upi noupi ŋgaatiraŋgarire saiɀoɀo kuti tiri ʋaranda ʋaKristu, ʋaceŋgeti ʋeɀakaʋanzika ɀaMŋari. Ɀino, paɀinhu iɀi, paʋatariri panotȿakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. Ɀino cinhu ciɗuku‐ɗuku kwandiri, kuti nditoŋgwe nemi, kana nokutoŋga kwomunhu; handiɀitoŋgi ini ndimene. Nokuti handiziʋi mhoȿa yandinayo; asi handiruramiswi naiɀoɀo; asi unonditoŋga ndiye’She. Saka regai kutoŋga cinhu ŋguʋa isati yaȿika, kuȿikira Ishe aʋuya, iye ucaɓuɗisa pacena ɀinhu ɀakaʋanzika ɀerima, nokuratidza mifuŋgo yomŋoyo; ipapo munhu mumŋe nomumŋe ucarumbidzwa naMŋari. Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe. Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa? Matoguta, matofuma, maɓata ʋushe kunze kweɗu; ɗai maiɓata ʋushe henyu, kuti isu tiɓate ʋo pamŋe cete nemi. Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, saʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu. Isu tiri mapenzi nokuɗa kwaKristu, asi imi makacenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinoɀidzwa. Kuȿikira ŋguʋa ino isu tinenzara, tinenyota, hatina‐catiŋgafuka, tinorobga netsiʋa, hatinenɀimbo kwayo yokugara; tinotambudzika, ticiɓata namaʋoko eɗu; kana ticitukwa, tinoropafadza, kana ticitambudzwa, tinotsuŋga mŋoyo; kana ticipomerwa, tinoʋaraidza; takaitwa setȿina yenyika, marara aʋose kuȿikira ɀino.
1 VaKorinde 4:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)