Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 4:1-13

1 Vakorinde 4:1-13 SCLBD

Saizvozvo munhu ngaatitore savaranda vaKristu, vatariri vezvakavanzika zvaMwari. Vataririwo vanotarisirwa kuti vave vanhu vakatendeka. Kwandiri ini chinhu chidukuduku kuti nditongwe nemi kana kutongwa nedare ripi zvaro ravanhu. Hapana chandinozvipa mhosva nacho. Hapana chandinonzwa chinondirovesa hana asi hazvirevi kuti handina mhosva. Anogona kunditonga chete ndiTenzi. Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari. Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo? Imika zvenyu mune zvakakwana kare. Makatova vapfumika imi. Munotova madzimambo isu tisiri mazviri. Dai zvaingoitika kuti mutonge, kuti isu titongewo nemi. Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu. Tiri mapenzi zvawo pamusana paKristu asi imi makangwara muna Kristu. Isu hatina simba asi imi makasimba. Munoremekedzwa asi isu tinoshorwa. Kutaura kuno, tine nzara nenyota, uye takapfeka marengenya. Tinorohwa uye hatina musha. Tinozvishandira namaoko edu. Kana tikatukwa, isu tinoti ngavakomborerwe. Tikashushwa tinotirira. Kana tikareverwa makuhwa tinopindura zvinoyananisa. Iye zvino tiri marara zvawo apanyika namagufu azvose.