Munhu upi noupi ŋgaatiraŋgarire saiɀoɀo kuti tiri ʋaranda ʋaKristu, ʋaceŋgeti ʋeɀakaʋanzika ɀaMŋari. Ɀino, paɀinhu iɀi, paʋatariri panotȿakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka. Ɀino cinhu ciɗuku‐ɗuku kwandiri, kuti nditoŋgwe nemi, kana nokutoŋga kwomunhu; handiɀitoŋgi ini ndimene. Nokuti handiziʋi mhoȿa yandinayo; asi handiruramiswi naiɀoɀo; asi unonditoŋga ndiye’She. Saka regai kutoŋga cinhu ŋguʋa isati yaȿika, kuȿikira Ishe aʋuya, iye ucaɓuɗisa pacena ɀinhu ɀakaʋanzika ɀerima, nokuratidza mifuŋgo yomŋoyo; ipapo munhu mumŋe nomumŋe ucarumbidzwa naMŋari.
Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe. Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa? Matoguta, matofuma, maɓata ʋushe kunze kweɗu; ɗai maiɓata ʋushe henyu, kuti isu tiɓate ʋo pamŋe cete nemi. Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, saʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu. Isu tiri mapenzi nokuɗa kwaKristu, asi imi makacenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinoɀidzwa. Kuȿikira ŋguʋa ino isu tinenzara, tinenyota, hatina‐catiŋgafuka, tinorobga netsiʋa, hatinenɀimbo kwayo yokugara; tinotambudzika, ticiɓata namaʋoko eɗu; kana ticitukwa, tinoropafadza, kana ticitambudzwa, tinotsuŋga mŋoyo; kana ticipomerwa, tinoʋaraidza; takaitwa setȿina yenyika, marara aʋose kuȿikira ɀino.