Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:45-58

1 VaKorinde 15:45-58 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga. Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

1 VaKorinde 15:45-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga. Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa. Chinzwai ndava kukutaurirai, chinhu chakavandika chisingatsananguriki chokuti, hatisi kuzofa tose asi tose tichasandurwa, nenguva isipi, nokubwaira kweziso chaiko pakurira kwehwamanda yokupedzisira. Hwamanda icharira, vakafa vachamutswa vasisafi, isu tobva tasandurwa; nokuti muviri unofa uyu unofanira kupfeka kusaora uye muviri uyu unofa unofanira kupfeka kusafa. Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti; Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa Nhai rufu kukurira kwako kuripi? Iwe rufu rumborera rwako ruripi? Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo. Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo, hama dzangu dzadiwa, rambai makasimba musingatsukutsiki musingasiyani kwazvo nebasa raTenzi tichiziva kuti muna Tenzi basa renyu harishai maturo.

1 VaKorinde 15:45-58 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga. Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora. Tarirai, ndinokuʋudzai cakaʋanzika: Hatiŋgaʋati tose, asi ticashandurwa tose; pakarepo, nokubgairo kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icarira, ipapo ʋakafa ʋacamutswa nokusaʋora; nesu ticashandurwa; nokuti ici cinoʋora cinofanira kufuka kusaʋora; necici cinofa cinofanira kufuka kusafa. Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda. Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko? Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo. Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu. Saka, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa, mirai makasimba, murege kuzunuŋguswa, muɓatire Ishe ɀikuru ŋguʋa dzose, muciziʋa kuti kuɓata kwenyu hakuŋgaʋi pasina munaShe.

1 VaKorinde 15:45-58 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)