Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.
Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora. Tarirai, ndinokuʋudzai cakaʋanzika: Hatiŋgaʋati tose, asi ticashandurwa tose; pakarepo, nokubgairo kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icarira, ipapo ʋakafa ʋacamutswa nokusaʋora; nesu ticashandurwa; nokuti ici cinoʋora cinofanira kufuka kusaʋora; necici cinofa cinofanira kufuka kusafa. Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda. Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko? Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo. Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu. Saka, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa, mirai makasimba, murege kuzunuŋguswa, muɓatire Ishe ɀikuru ŋguʋa dzose, muciziʋa kuti kuɓata kwenyu hakuŋgaʋi pasina munaShe.