Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:14-28

1 VaKorinde 15:14-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu. Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose. Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete. Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe. Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu. Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose mune zvose.

1 VaKorinde 15:14-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose. Asi zvino Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: wokutanga ndiye Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuuya kwake. Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba. Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu. Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.” Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye akaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kuna vose.

1 VaKorinde 15:14-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo. Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere. Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa. Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa. Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu. Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu. Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake. Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose.

1 VaKorinde 15:14-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo. Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi. Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo; kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu. Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo. Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose. Asi ɀino Kristu wakamutswa kuʋakafa, akaʋa ciɓereko cokutaŋga caʋaʋata. Nokuti rufu ɀarwakaʋuya nomunhu, kumuka kwaʋakafa kwakaʋuya nomunhu ʋo. Nokuti ʋose seɀaʋanofa munaAdama, saiɀoɀo ʋo ʋose ʋacararamiswa munaKristu. Asi mumŋe nomumŋe padzoro rake: Kristu — ciɓereko cokutaŋga; teʋere, aʋo ʋari ʋaKristu pakuʋuya kwake. Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba. Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake. Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu. Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po. Ɀino kana ɀose ɀaiswa pasi pake, ipapo noMŋanakomana ʋo amene ucaiswa pasi paiye wakaisa ɀose pasi pake, kuti Mŋari aʋe ɀose kunaʋose.

1 VaKorinde 15:14-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)