Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15:14-28

1 Vakorinde 15:14-28 SCLBD

Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo. Asi chokwadi ndechokuti Kristu akamutswa kuvafi semichero yokutanga yaavo varere. Sokuuya kwakaita rufu nokumunhu mumwechete nokumunhu mumwechetewo kwakauya kumuka kwavakafa. Sokufa kunoita vanhu vose muna Adhamu, saizvozvowo muna Kristu vanhu vose vanomutswa. Asi mumwe nomumwe achamuka pachijanha chake, Kristu ari iye muchero wokutanga; kozoti, pakuuya kwake, vanhu vanenge vari vanhu vaKristu. Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu. Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake. Kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake nezvo Mwanakomana pachakewo achava pasi pouyo akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari ave Mwari wazvose muna zvose.