1 VaKorinde 12:1-8
1 VaKorinde 12:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.” Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose. Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu
1 VaKorinde 12:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete
1 VaKorinde 12:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.” Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose. Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu
1 VaKorinde 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. Kune mhando dzamabasa dzakasiyana–siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. Kune mhando dzokushanda kwakasiyana–siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo
1 VaKorinde 12:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi. Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa. Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene. Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe. Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe. Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose. Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe. Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu
1 VaKorinde 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)