Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 12:1-8

1 Vakorinde 12:1-8 SCLB

Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. Kune mhando dzamabasa dzakasiyana–siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. Kune mhando dzokushanda kwakasiyana–siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo