Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 12:1-8

I ƲaKorinte 12:1-8 SUB1949

Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi. Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa. Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene. Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe. Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe. Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose. Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe. Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu