1 Makoronike 6:1-53
1 Makoronike 6:1-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanakomana vaRevhi vaiva Gerishoni, Kohati naMerari. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Vana vaAmiramu vaiva: Aroni, Mozisi naMiriamu. Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari. Ereazari aiva baba vaFinehasi, Finehasi baba vaAbhishua, Abhishua baba vaBhuki, Bhuki baba vaUzi, Uzi baba vaZerahia, Zerahia baba vaMerayoti, Merayoti baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi, Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaAhimaazi, Ahimaazi baba vaAzaria, Azaria baba vaJohanani, Johanani baba vaAzaria. (Ndiye aibata basa somuprista mutemberi yakavakwa naSoromoni muJerusarema.) Azaria baba vaAmaria, Amaria baba vaAhitubhi. Ahitubhi baba vaZadhoki, Zadhoki baba vaSharumi, Sharumi baba vaHirikia, Hirikia baba vaAzaria, Azaria baba vaSeraya uye Seraya baba vaJehozadhaki. (Jehozadhaki akadzingwa Jehovha paakaendesa Judha neJerusarema kuutapwa noruoko rwaNebhukadhinezari.) Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari. Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo: VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake, Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJeaterai mwanakomana wake. Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake, Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, Urieri mwanakomana wake, Uzia mwanakomana wake naShauri mwanakomana wake. Zvizvarwa zvaErikana zvaiva: Amasai, Ahimoti, Erikana mwanakomana wake, Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, naEriabhi mwanakomana wake, Jerohamu mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naSamueri mwanakomana wake, Vanakomana vaSamueri vaiva: Joere dangwe rake naAbhija mwanakomana wake wechipiri. Zvizvarwa zvaMerari zvaiva: Mari, Ribhini mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake, Uza mwanakomana wake, Shimea mwanakomana wake, Hagia mwanakomana wake naAsaya mwanakomana wake. Ava ndivo varume vakagadzwa naDhavhidhi kuti vafambise basa rokuimba muimba yaJehovha mushure mokunge areka yawana pokuzorora imomo. Vaishumira uye vaiimba pamberi petabhenakeri, muTende Rokusangana, kusvikira Soromoni avaka temberi yaJehovha muJerusarema. Vaibata basa ravo maererano nemitemo yavakanga vakadzikirwa. Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri, mwanakomana waErikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa, mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai, mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoere, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefania, mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi; mwanakomana waKora, mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi mwanakomana waIsraeri. Uye mubatsiri waHemani pabasa ainzi Asafi akanga amire kurudyi rwake: Asafi mwanakomana waBherekia mwanakomana waShimea, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana Bhaaseya, mwanakomana waMarikia, mwanakomana waEtini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimei, mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishoni, mwanakomana waRevhi; uye kubva kuvabatsiri vavo, vaMerari, kuruboshwe rwake, vaiva: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri, mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi. Vamwe vavo vaRevhi vakapiwa mamwe mabasa ose omutabhenakeri, imba yaMwari. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuhwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake, Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake, Zadhoki mwanakomana wake naAhimaazi mwanakomana wake.
1 Makoronike 6:1-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari; navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni; naUzieri, Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari. Eriazari akabereka Pinehasi, Pinehasi akabereka Abhishua, Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi, Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti, Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi, Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani, Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupristi muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;) Azaria akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi, Sharumi akabereka Hirikia, Hirikia akabereka Azaria, Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki, Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhinezari. Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari. Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei. Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri; navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo. VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake, naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake. Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake. Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti. Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake. Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija. Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake, naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake. Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora. Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo. Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri; mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa; mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai; mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya, mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora; mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri. Munun'una wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimea; mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija; mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya; mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri; mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi. Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki; mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia; mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri; mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi. Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha. Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paaritari yezvipiriso zvinopiswa, napaaritari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene-tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMosesi muranda waMwari. Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naPinehasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake; naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake; naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake; naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake.
1 Makoronike 6:1-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanakomana vaRevhi: ndiGerishoni naKohati naMerari. Vana vakomana vaKohati: ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Vanawo vaAmuramu: ndiAroni naMosesi naMiriamu. Vanakomana vaAroni: ndavanaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. Ereazari ndiye baba waFinehasi, Finehasi ndibaba waAbhishua, Abhishua abereka Bhuki, Bhuki azobereka Uzi, Uzi ndiye baba waZerahiya. Zerahiya ndibaba waMeraioti, Meraioti vari baba waAmariya, Amariya abereka Ahitubhu. Ahitubhu akaberekawo Zadhoki Zadhoki ari baba waAhimaazi, Ahimaazi ari baba waAzariya. Azariya ndibaba waJohanani, Johanani ndiye baba waAzariya. Iye Azariya uyu ndiye uya aiva mupristi muTemberi iya yakavakwa naSoromoni muJerusaremu. Azariya ndiye baba waAmariya. Amariya akabereka Ahitabhu, Ahitubhu akazobereka Zadhoki, Zadhoki akazobereka Sharumu, Sharumu akabereka Hirikiya, Hirikiya akazobereka Azariya. Azariya ndibaba waSeraya, Seraya ari baba waJehozadhaki. Jehozadhaki uyu akatapwawo Mwari paakaendesa vokwaJudha neJerusaremu muutapwa ari mumaoko aNebhukadhinezari. Vanakomana vaRevhi: ndiGerishomu naKohati naMerari. Vanawo vaGerishomu vakomana: ndavanaRibhuni naShimei. Vana vaKohati: vakomana ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. Vanakomana vaMerari: ndiMahiri naMushi. Ivava ava ndivo mhuri dzokwaRevhi imba nemba. VokwaGerishomu: vakamira vakadai izvi: mwanakomana wake ndiRibhuni waRibhuni ndiJahati waJahati ndiZima waZima ndiJoa. Mwanakomana waJoa ndiIdho waIdho ndiZera waZera ndiJeatierai. VokwaKohati vakamirawo vakadai: mwanakomana wake ndiAminadhabhu waAminadhabhu ndiKora waKora ndiAsiri. Mwanakomana waAsiri ndiErikana waErikana ndiEbhiasafu waEbhiasafu ndiAsiri waAsiri ndiTahati. Mwanakomana waTahati: ndiUrieri waUrieri ndiUziya waUziya ndiShauru. Vana vaErikana vakomana: ndiAmasai naAhimoti. Mwanakomana waAhimoti ndiErikana waErikana ndiZofai waZofai ndiNahati waNahati ndiEriyabhu waEriyabhu ndiJerohamu waJerohamu ndiErikana. Vanakomana vaSamueri: ndiJoeri dangwe rake wechipiri ndiAbhiya. Vanakomana vaMerari: ndiMahiri waMahiri ndiRibhuni waRibhuni ndiShimei waShimei ndiUza waUza ndiShimea waShimea ndiHagiya waHagiya ndiAsaya. Havanoi varume vakaiswa naDhavhidhi pabasa rokuona nezvokuimba mumba yaTenzi pakazenge zvino bhokisi rechitenderano razororamo. Vaiva vokuimba nziyo pamberi petendhe rinoera mutendhe rokusanganira kusvikirawo Soromoni apedza kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu. Basa ravo vairiita vachitevedza zvavakanga vakarongerwa. Varume vacho vaiita basa iroro pamwechete navana vavo vakomana vakamira vakadai izvi, kuvanakomana vokwaKohati kunoti: Hemani aiva muimbi ari mwanakomana waJoeri uya mwanakomana waSamueri uye aberekwa naErikana mwanakomana waJerohamu aberekwa naErieri mwanakomana waToa ari mwana waZufu wokuberekwa naErikana akaberekwa naMahati, mwanakomana waAmasai aberekawo Erikana mwana waJoeri iye ari mwana waAzariya aberekwa naZefaniya mwanakomana waTahati azoberekwa naAsiri mwana waEbhiyasafu aberekwawo naKora, mwanakomana waIzhari mwana waKohati waberekwa naRevhi, mwanakomana waIsiraeri kwouya munun'una wake Asafu aimira kurudyi kwake: Asafu uyu mwanakomana waBherekiya akaberekwa naShimea mwana waMikaeri uyu ari mwanakomana waBhaaseya akaberekwa naMarikiya mwana waEtini mwana waZera aberekwa naAdhaya mwanakomana waEtani akaberekwa naZima mwana waShimei mwanakomana waJahati aberekwa naGerishomu mwanakomana waRevhi. Kuruboshwe kwaiva nehama dzavo vanakomana vokwaMerari: vakanga vari vanaEtani mwanakomana waKishi mwana waAbhudhi aberekwa naMaruki okuberekwa naHashabhiya mwana waAmaziya mwanakomana waHirikiya aberekwa naAmuzi ariwo mwana waBhani mwanakomana waShemeru aberekwa naMahiri uyu ari mwana waMushi mwanakomana waMerari aberekwa naRevhi. Hama dzavo dzokwaRevhi dzakasarudzwa kuita basa romunzvimbo inoera mumba yaMwari. Asi Aroni navanakomana vake ndivo vaiva vokupira mipiro paatari yomupiro wokupisa napaatari yorusenzi pamwechete nebasa rose romunzvimbo inoeresesa nokupfupirirawo vaIsiraeri zvitadzo maererano nezvose zvakanzi naMosesi zviitwe. Vanakomana vaAroni: ndiEreazari waEreazari ndiFinehasi waFinehasi ndiAbhishua mwanawo waAbhishua: ndiBhuki waBhuki ndiUzi waUzi ndiZerahiya mwanakomana waZerahiya ndiMeraioti waMeraioti ndiAmariya waAmariya ndiAhitubhu mwanawo waAhitubhu ndiZadhoki waZadhoki ndiAhimaazi.
1 Makoronike 6:1-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanakomana ʋaRevi: Gershoni, naKohati, naMerari; naʋanakomana ʋaKohati: Amrami, naIshari, naHebroni, naUzieri. Ʋanakomana ʋaAmrami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Ʋanakomana ʋaAroni: Nadabi, naAbihu, naEriazari, naItamari. Eriazari akaɓereka Pinehasi, Pinehasi akaɓereka Abishua, Abishua akaɓereka Buki, Buki akaɓereka Uzi, Uzi akaɓereka Zerahiya, Zerahiya akaɓereka Merayoti, Merayoti akaɓereka Amaria, Amaria akaɓereka Ahitubi, Ahitubi akaɓereka Zadoki, Zadoki akaɓereka Ahimaazi, Ahimaazi akaɓereka Azaria, Azaria akaɓereka Johanani, Johanani akaɓereka Azaria, (ndiye waiɓate‐ɓasa romuprista muimba yakaʋakwa naSoromoni paJerusarema;) Azaria akaɓereka Amaria, Amaria akaɓereka Ahitubi, Ahitubi akaɓereka Zadoki, Zadoki akaɓereka Sharumi, Sharumi akaɓereka Hirkia, Hirkia akaɓereka Azaria, Azaria akaɓereka Seraya, Seraya akaɓereka Jehozadaki, Jehozadaki akatapxa, ŋguʋa yakatapa Jehova Juda neJerusarema noruʋoko rwaNebukadnezari. Ʋanakomana ʋaRevi: Gershomi, naKohati, naMerari: Mazita aʋanakomana ʋaGershomi ndiwo: Ribni naShimei. Ʋanakomana ʋaKohati: Amrami, naIshari, naHebroni, naUzieri; naʋanakomana ʋaMerari: Mari, naMushi. Ʋuye ndidzo dzimba dzaʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: ƲaGershoni: Ribni mŋanakomana wake, naJahati mŋanakomana wake, naZima mŋanakomana wake, naJoa mŋanakomana wake, naIdo mŋanakomana wake, naZera mŋanakomana wake, naJeaterai mŋanakomana wake. Ʋanakomana ʋaKohati: Aminadabi mŋanakomana wake, naKora mŋanakomana wake, naAsiri mŋanakomana wake, naErkana mŋanakomana wake, naAbiasafi mŋanakomana wake, naAsiri mŋanakomana wake, naTahati mŋanakomana wake, naUrieri mŋanakomana wake, naUzi mŋanakomana wake, naShauri mŋanakomana wake. Ʋanakomana ʋaErkana: Amasai, naAhimoti. Kana ari Erkana: Ʋanakomana ʋaErkana: Zofai mŋanakomana wake, naNahati mŋanakomana wake, naEriabi mŋanakomana wake, naJehorami mŋanakomana wake, naErkana mŋanakomana wake. Ʋanakomana ʋaSamueri: Weɗaŋgwe Joeri, nowecipiri Abija. Ʋanakomana ʋaMerari: Mari, naRibni mŋanakomana wake, naShimei mŋanakomana wake, naUza mŋanakomana wake, naShimra mŋanakomana wake, naHagia mŋanakomana wake, naAsaya mŋanakomana wake. Ʋuye aʋa ndiʋo ʋakagadzwa naDavidi kuzofambisa ɓasa rokuimba mumba maJehova, areka yawana pokuzorora. Ʋaishumira pakuimba pamberi petabernakeri yetente rokusoŋgana, kuȿikira Soromoni aʋaka imba yaJehova paJerusarema; ʋakamira paɓasa raʋo, seɀaʋakaŋga ʋagoʋerwa napo. Ndiʋo ʋaimira’po naʋanakomana ʋaʋo: Kuʋanakomana ʋaKohati: Hemani muimbi, mŋanakomana waJoeri, mŋanakomana waSamueri; mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErieri, mŋanakomana waToa; mŋanakomana waZufi, mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waMahati, mŋanakomana waAmasai; mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waJoeri, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waZefania, mŋanakomana waTahati, mŋanakomana waAsiri, mŋanakomana waEbiasafi, mŋanakomana waKora; mŋanakomana waIshari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, mŋanakomana waIsraeri. Munuŋuna wake Asafi, wakaŋga amire kurudyi rwake, iye Asafi mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana waShimea; mŋanakomana waMikaeri, mŋanakomana waBaaseya, mŋanakomana waMarkija; mŋanakomana waItni, mŋanakomana waZera, mŋanakomana waAdaya; mŋanakomana waEtani, mŋanakomana waZima, mŋanakomana waShimei; mŋanakomana waJahati, mŋanakomana waGershomi, mŋanakomana waRevi. Kuruɓoshwe rwaʋo, hama dzaʋo iʋo ʋanakomana ʋaMerari: Etani mŋanakomana waKishi, mŋanakomana waAbdi, mŋanakomana waMaruki; mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waAmazia, mŋanakomana waHirkia; mŋanakomana waAmzi, mŋanakomana waBani, mŋanakomana waShemeri; mŋanakomana waMari, mŋanakomana waMushi, mŋanakomana waMerari, mŋanakomana waRevi. Hama dzaʋo iʋo ʋaRevi ndiʋo ʋakagoʋerwa maɓasa ose patabernakeri yeimba yaJehova. Asi Aroni naʋanakomana ʋake ʋaiɓayira paartari yeɀipiriso ɀinopiswa, napaartari yeɀinonhuwira, ʋaiɓata maɓasa ose apanɀimbo tȿene‐tȿene, nokuyananisira Israeri, ʋaciita ɀose ɀakarairwa naMosesi muranda waMŋari. Ʋanakomana ʋaAroni ndiʋo: Eriazari mŋanakomana wake, naPinehasi mŋanakomana wake, naAbishua mŋanakomana wake; naBuki mŋanakomana wake, naUzi mŋanakomana wake, naZerahiya mŋanakomana wake; naMerayoti mŋanakomana wake, naAmaria mŋanakomana wake, naAhitubi mŋanakomana wake; naZadoki mŋanakomana wake, naAhimaazi mŋanakomana wake.
1 Makoronike 6:1-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)