Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari; navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni; naUzieri, Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari.
Eriazari akabereka Pinehasi, Pinehasi akabereka Abhishua, Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi, Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti, Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi, Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani, Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupristi muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;) Azaria akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi,
Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi, Sharumi akabereka Hirikia, Hirikia akabereka Azaria,
Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki, Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhinezari.
Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari. Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei. Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri; navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake, naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake. Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake. Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti. Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake.
Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija.
Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake, naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake.
Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora. Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo. Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri; mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa; mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai; mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya, mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora; mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri.
Munun'una wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimea; mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija; mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya; mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri; mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi.
Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki; mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia; mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri; mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.
Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha.
Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paaritari yezvipiriso zvinopiswa, napaaritari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene-tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMosesi muranda waMwari.
Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naPinehasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake; naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake; naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake; naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake.