Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 6

6
Vana vaRevhi
1Vanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari; 2navanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni; naUzieri, 3Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari.
4Eriazari akabereka Pinehasi, Pinehasi akabereka Abhishua, 5Abhishua akabereka Bhuki, Bhuki akabereka Uzi, 6Uzi akabereka Zerahiya, Zerahiya akabereka Merayoti, 7Merayoti akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi, 8Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Ahimaazi, 9Ahimaazi akabereka Azaria, Azaria akabereka Johanani, 10Johanani akabereka Azaria, (ndiye waibata basa romupristi muimba yakavakwa naSoromoni paJerusaremu;) 11Azaria akabereka Amaria, Amaria akabereka Ahitubhi,
12Ahitubhi akabereka Zadhoki, Zadhoki akabereka Sharumi, 13Sharumi akabereka Hirikia, Hirikia akabereka Azaria,
14Azaria akabereka Seraya, Seraya akabereka Jehozadhaki, 15Jehozadhaki akatapwa, nguva yakatapa Jehovha Judha neJerusaremu noruoko rwaNebhukadhinezari.
16Vanakomana vaRevhi, Gerishomi, naKohati, naMerari. 17Mazita avanakomana vaGerishomi ndiwo: Ribhini naShimei. 18Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri; 19navanakomana vaMerari: Mari, naMushi. Uye ndidzo dzimba dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
20VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, naJahati mwanakomana wake, naZima mwanakomana wake, 21naJoa mwanakomana wake, naIdho mwanakomana wake, naZera mwanakomana wake, naJeaterai mwanakomana wake. 22Vanakomana vaKohati: Aminadhabhu mwanakomana wake, naKora mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, 23naErikana mwanakomana wake, naAbhiasafi mwanakomana wake, naAsiri mwanakomana wake, 24naTahati mwanakomana wake, naUrieri mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naShauri mwanakomana wake. 25Vanakomana vaErikana: Amasai, naAhimoti. 26Vanakomana vaErikana: Zofai mwanakomana wake, naNahati mwanakomana wake, 27naEriabhi mwanakomana wake, naErikana mwanakomana wake.
28Vanakomana vaSamueri: wedangwe Joeri, nowechipiri Abhija.
29Vanakomana vaMerari: Mari, naRibhini mwanakomana wake, naUza mwanakomana wake, 30naShimira mwanakomana wake, naHagia mwanakomana wake, naAsaya mwanakomana wake.
31Uye ava ndivo vakagadzwa naDhavhidhi kuzofambisa basa rokuimba mumba maJehovha, mushure mokuti areka yawana pokuzorora. 32Vaishumira pakuimba pamberi petabhenekari yetende rokusangana, kusvikira Soromoni avaka imba yaJehovha paJerusaremu; vakamira pabasa ravo, sezvavakanga vagoverwa napo. 33Ndivo vaimirapo navakomana vavo; kuvanakomana vaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waSamueri; 34mwanakomana waErikana, mwanakomana waJehorami, mwanakomana waErieri, mwanakomana waToa; 35mwanakomana waZufi, mwanakomana waErikana, mwanakomana waMahati, mwanakomana waAmasai; 36mwanakomana waErikana, mwanakomana waJoeri, mwanakomana waAzaria, mwanakomana waZefaniya, 37mwanakomana waTahati, mwanakomana waAsiri, mwanakomana waEbhiasafi, mwanakomana waKora; 38mwanakomana waIshari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsiraeri.
39Munun'una wake Asafi, akanga amire kurudyi rwake, iye Asafi mwanakomana waBherekia, mwanakomana waShimea; 40mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waBhaaseya, mwanakomana waMarikija; 41mwanakomana waItini, mwanakomana waZera, mwanakomana waAdhaya; 42mwanakomana waEtani, mwanakomana waZima, mwanakomana waShimeri; 43mwanakomana waJahati, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waRevhi.
44Kurubhoshwe rwavo, hama dzavo ivo vanakomana vaMerari: Etani mwanakomana waKishi, mwanakomana waAbhidhi, mwanakomana waMaruki; 45mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waAmazia, mwanakomana waHirikia; 46mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waShemeri; 47mwanakomana waMari, mwanakomana waMushi, mwanakomana waMerari, mwanakomana waRevhi.
48Hama dzavo ivo vaRevhi ndivo vakagoverwa mabasa ose patabhenekari yeimba yaJehovha.
49Asi Aroni navanakomana vake vaibayira paaritari yezvipiriso zvinopiswa, napaaritari yezvinonhuwira, vaibata mabasa ose apanzvimbo tsvene-tsvene, nokuyananisira Isiraeri, vachiita zvose zvakarairwa naMosesi muranda waMwari.
50Vanakomana vaAroni ndivo: Eriazari mwanakomana wake, naPinehasi mwanakomana wake, naAbhishua mwanakomana wake; 51naBhuki mwanakomana wake, naUzi mwanakomana wake, naZerahiya mwanakomana wake; 52naMerayoti mwanakomana wake, naAmaria mwanakomana wake, naAhitubhi mwanakomana wake; 53naZadhoki mwanakomana wake, naAhimaazi mwanakomana wake.
54Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa, 55ivo vakapiwa Hebhuroni panyika yaJudha, namafuro aro akanga akapoteredza; 56asi minda yeguta, nemisha yaro, yakapiwa Karebhu mwanakomana waJefune. 57Vanakomana vaAroni vakapiwa maguta outiziro, aiti: Hebhuroni, neRibhina namafuro awo, neJatiri, neEshitemoa namafuro awo; 58neHireni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro; 59neAshani namafuro aro, neBhetishemeshi namafuro aro. 60Uye vorudzi rwaBhenjamini: Gebha namafuro aro, neArimeti namafuro aro, neAnatoti namafuro aro. Maguta avo ose pakati pedzimba dzavo dzose, aiva maguta ane gumi namatatu. 61Vamwe vanakomana vaKohati vakapiwa nemijenya maguta ane gumi pakati pehafu yorudzi rwaManase, iyo hafu yaManase.
62Vanakomana vaGerishomi nedzimba dzavo, vorudzi rwaIsakari, novorudzi rwaAsheri, novorudzi rwaNafutari, novorudzi rwaManase paBhashani, vakapiwa maguta ane gumi namatatu.
63Vanakomana vaMerari nedzimba dzavo vakapiwa nemijenya vorudzi rwaRubheni, novorudzi rwaGadhi, novorudzi rwaZebhuruni, maguta ane gumi namaviri. 64Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta namafuro awo. 65Vakavapa nemijenya maguta iwayo akarehwa mazita awo vorudzi rwavana vaJudha, novorudzi rwavana vaSimeoni, novorudzi rwavana vaBhenjamini.
66Asi vamwe vedzimba dzavana vaKohati vakanga vana maguta panyika yavo, vorudzi rwaEfuremu. 67Vakavapa maguta noutiziro, aiti: Shekemu kunyika yamakomo aEfuremu namafuro aro, neGezeri namafuro aro; 68neJokimeami namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, 69neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; 70vehafu yorudzi rwaManase vakapiwa Aneri namafuro aro, ndizvo zvakapiwa vamwe veimba yavana vaKohati. 71Vanakomana vaGerishomi vakapiwa pakati peimba yehafu yorudzi rwaManase, Gorani paBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro; 72novorudzi rwaIsakari: Kedheshi namafuro aro, neDhabherati namafuro aro, 73neRamoti namafuro aro, neAnemi namafuro aro; 74novorudzi rwaAsheri: Mashari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro; 75neHukoki namafuro aro, neRehobhi namafuro aro, 76novorudzi rwaNafutari: Kedheshi paGarire namafuro aro, neHamoni namafuro aro, neKiriataimi namafuro aro.
77Vamwe vavaRevhi, ivo vanakomana vaMerari, vakapiwa vorudzi rwaZebhuruni: Rimono namafuro aro, neTabhori namafuro aro; 78uye mhiri kwaJorodhani paJeriko, kumabvazuva aJorodhani, vorudzi rwaRubheni, vakapiwa Bhezeri riri kurenje namafuro aro, neJaza namafuro aro, 79neKedhemoti namafuro aro, neMefati namafuro aro; 80novorudzi rwaGadhi: Ramoti paGireadhi namafuro aro, neMahanaimu namafuro aro, 81neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 6: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda