Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 7

7
Vana vaIsakari
1Vanakomana vaIsakari: Tora, naPua, naJashubhi, naShimironi, ivo vana. 2Vanakomana vaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJamai, naIbhisami, naShemueri, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, idzo dzaTora; vaiva varume vane simba noumhare pakati pamarudzi avo; pamazuva aDhavhidhi vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
3Vanakomana vaUzi; Izirahiya; navanakomana vaIzirahiya: Mikaeri naObhadhiya, naJoeri, naIshia, ivo vashanu; ava vose vakanga vari vakuru. 4Kwavari, kumarudzi avo nokudzimba dzamadzibaba avo, kwakanga kuna mapoka ehondo dzokurwa ane zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; nokuti vakanga vana vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
5Hama dzavo pakati pedzimba dzose dzaIsakari, ivo varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi masere nezvinomwe, kana vachiverengwa mazita avo ose.
Vana vaBhenjamini naNafutari
6Vanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naJedhiyaeri, ivo vatatu. 7Vanakomana vaBhera: Ezibhoni, naUzi, naUzieri, naJerimoti, naIri, ivo vashanu. Ivo vakanga vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakaverengwa mazita avo vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.
8Vanakomana vaBhekeri: Zemira, naJoashi, naEriezeri, naErioenai, naOmiri, naJeremoti, naAbhiia, naAnatoti, naArimeti. Ivo vose vakanga vari vanakomana vaBhekeri. 9Vakaverengwa mazita avo namarudzi avo, vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvina makumi maviri namazana maviri.
10Vanakomana vaJedhiyaeri: Bhirihani, navanakomana vaBhirihani; Jehushi, naBhenjamini, naEhudhi, naKenani, naZetani, naTarishishi, naAhishahari.
11Ivo vose vakanga vari vanakomana vaJedhiyaeri, vachiverengwa vakuru vedzimba dzamamdzibaba avo, varume vane simba noumhare, vakasvika zviuru zvine gumi nezvinomwe namazana maviri, vakanga vachigona kuenda kuhondo kundorwa. 12NaShupimiwo, naHupimi, vanakomana vaIri, naHushimi, vanakomana vaAheri.
13Vanakomana vaNafutari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, vanakomana vaBhiriha.
Vana vaManase
14Vanakomana vaManase: Asirieri, waakaberekerwa nomukadzi wake; (murongo wake muArami akabereka Makiri baba vaGireadhi; 15Makiri akawana mukadzi worudzi rwaHupimi naShupimi, zita rehanzvadzi yake raiva Maaka;) zita rowechipiri rakanga riri Zerofehadhi; Zerofehadhi akanga anavakunda.
16Maaka mukadzi waMakiri akabereka mwanakomana, akatumidza zita rake Pereshi; zita romunun'una wake raiva Shereshi, vanakomana vake vakanga vari Urami naRakemi. 17Vanakomana vaUrami: Bhedhani. Ndivo vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase.
18Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, naAbhiezeri, naMara. 19Vanakomana vaShemidha: Ahiani, naShekemu, naRiki naAniami.
Vana vaEfuremu
20Vanakomana vaEfuremu: Shutera, naBheredhi mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, naEreadha mwanakomana wake, naTahati mwanakomana wake, 21naZabhadhi mwanakomana wake, naShutera mwanakomana wake, naEzeri, naEreadhi; ivo vakaurawa navanhu veGati vakanga vakaberekerwa panyika iyo, nokuti vakanga vaburukira kwavari kuzotora zvipfuwo zvavo. 22Efuremu baba vavo akavachema mazuva mazhinji, hama dzake dzikauya kuzomubata ruoko. 23Akapinda kumukadzi wake, iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Bheriya; nokuti imba yake yakanga ichitambudzika.
24Mukunda wake waiva Sheera, iye akavaka Bhetihoroni rezasi nerokumusoro, neUzenisheera.
25Mwanakomana waEfuremu aiva Refa, naReshefi, naTera mwanakomana wake, naTahani mwanakomana wake; 26naRadhani mwanakomana wake, naErishama mwanakomana wake, 27naNuni mwanakomana wake, naJoshua mwanakomana wake. 28Nyika yavo nokwavakanga vagere ndiBhetieri nemisha yaro; nokumabvazuva, Naarani, nokumavirira Gezeri nemisha yaro; neShekemu nemisha yaro, kusvikira paAza nemisha yaro; 29nokumiganhu yavana vaManase. Bhetisheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, neMegidho nemisha yaro, neDhori nemisha yaro.
Vana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri vakagara mumisha iyi.
Vanakomana vaAsheri
30Vanakomana vaAsheri: Imina, naIshiva, naIshivi, naBheriya, naSera hanzvadzi yavo. 31Vanakomana vaBheriya: Hebheri, naMarikieri, waiva baba vaBhirizaiti. 32Hebheri akabereka Jafureti, naShomeri, naHotami, naShua hanzvadzi yavo. 33Vanakomana Jafureti: Pasaki, naBhimari, naAshivati. Ndivo vanakomana vaJafureti.
34Vanakomana vaShemeri: Ahi, naRoga, naJehubha, naArami.
35Vanakomana vaHeremi munun'una wake: Zofa, naImina, naShereshi, naAmari.
36Vanakomana vaZofa: Shua, naHarineferi, naShuari, naBheri, naImira; 37naBheseri, naHodhi, naShama, naShirisha, naItirani, naBheera.
38Vanakomana vaJeteri: Jefune, naPisipa, naAra. 39Vanakomana vaUra: Ara, naHanieri, naRizia.
40Ava vose vaiva vana vaAsheri, vari vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, varume vakanga vakatsaurwa, vane simba noumhare, vakuru vamachinda. Vakaverengwa namazita avo, ivo vaigona kurwa, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 7: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda