1 Makoronike 8
8
Vana vaBhenjamini naSauro
1Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu; 2naNoa wechina, naRafa weshanu.
3Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi; 4naAbhishua, naNaamani, naAhoa; 5naGera, naShefufani, naHurami.
6Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati; 7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi.
8Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara. 9Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami; 10naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba.
11Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo; 13naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati; 14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti; 15naZebhedhia, naAradhi, naEdheri; 16naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira; 17naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri; 18naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari; 19naJakimi, naZikiri, naZabhudhi; 20naErienai, naZiretai, naErieri; 21naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei; 22naIshipani, naEbheri, naErieri; 23naAbhidhoni, naZikiri, naHanani; 24naHanania, naErami, naAnatotiya; 25naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki; 26naShamisherai, neSheharia, naAtaria; 27naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami. 28Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu.
29PaGibheoni paigara baba vaGibheoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.
30Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi; 31naGedhori, naAhio, naZekariya. 32Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo.
33Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.
34Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika. 35Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. 36Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza; 37Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake.
38Azeri wakanga ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri. 39Vanakomana vaEsheki munun'una wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu.
40Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002