1 Makoronike 4:1-10
1 Makoronike 4:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvizvarwa zvaJudha zvaiva: Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari. Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi. Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema. Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara. Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara. Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zohari, Etinani naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni. Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.” Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
1 Makoronike 4:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari. Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati. Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi; naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu. Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara. Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara. Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani. Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi. Jabhezi akakudzwa kukunda vanun'una vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, “Nokuti ndakamubereka ndichitambudzika.” Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, “Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira!” Mwari akamupa zvaakakumbira.
1 Makoronike 4:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanakomana vaJudha: ndiPerezi naHezironi naKarumi naHuru naShobhabhu. Reaya mwanakomana waShobharu: akabereka Jahati baba waAhumai naRahadhi. Ivava ndidzo mhuri dzokwaZora. Vana vakomana vaEtamu: ndaava vanoti; Jezirieri naIshima naIdhibhashi. Zita rehanzvadzi yavo ndiHazireriponi. Penueri ndiye baba waGedhori, Ezeru ariye baba waHusha. Ivava ava ndizvo zvizvarwa zvokwaHuru dangwe raEfurata baba waBheterehemu. Ashuru baba waTekoa: vaiva nebarika ravakadzi vaviri, mumwe ainzi Hera mumwe achinzi Naara. Naara akamuberekera: Ahuzamu naHefa naTemeni naHaahashitari. Ivava ndivo vaiva vana vaNaara. Vanakomana vaHera: ndiZereti naIzihari naEtinanai. Kozi ndiye baba vaAnubhu naZobhebha nemhuri dzokwaAhariheri mwanakomana waHarumu. Jabhezi uyu aiva munhu anoremekedzwa kwazvo navakoma navanun'una vake. Amai vake vakamutumidza zita rokuti Jabhezi vachiti pakumubereka ndakaona nhamo. Jabhezi akanamata Mwari weIsiraeri achiti: “Dai mandikomborerawo zvenyu nyika yangu muikudze-kudzewo ruoko rwenyu rurambe ruchindisesedza, mundidzivirirewo kune zvakaipa kuti zvirege kundikuvadza.” Mwari akamuitira zvaakakumbira.
1 Makoronike 4:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanakomana ʋaJuda: Perezi, naHezroni, naKarmi, naHuri, naShobari. Reaya mŋanakomana waShobari akaɓereka Jahati; Jahati akaɓereka Ahumai naRahadi. Ndiwo marudzi aʋaZorati. Ʋuye aʋa ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaEtami: Jezreeri, naIshma, naIdbashi; ʋuye zita rehanɀadzi yaʋo rakaŋga riri Hazereponi; naPenueri ɓaɓa ʋaGedori, naEzeri ɓaɓa ʋaHusha. Ndiʋo ʋana ʋaHuri, weɗaŋgwe waEfrata, ɓaɓa ʋaBeti‐rehemi. Ɀino Ashuri ɓaɓa ʋaTekoa wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, Hera naNaara. Naara akamuɓerekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashtari. Ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaNaara. Ʋanakomana ʋaHera ʋaiʋa Zereti, naIzhari, naEtnani. Hakozi akaɓereka Anubi, naZobeba, nehama dzaAhareri mŋanakomana waHarumi. Jabezi akakudzwa kukunda ʋanuŋuna ʋake, mai ʋake ʋakamutumidza zita rinonzi Jabezi, ʋaciti: Nokuti ndakamuɓereka ndicitambudzika. Jabezi akaɗana kunaMŋari waIsraeri, akati: Haiwa, ɗai mucindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yaŋgu, nokundifambisa noruʋoko rwenyu, nokundiceŋgeta kuneɀakaipa, kuti ɀirege kundiwira! Mŋari akamupa ɀaakakumbira.
1 Makoronike 4:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)