1 Makoronike 4
4
Vamwe vana vaJudha
1Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari. 2Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati.
3Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi; 4naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu.
5Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara. 6Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara. 7Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani.
8Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi.
9Jabhezi akakudzwa kukunda vanun'una vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, “Nokuti ndakamubereka ndichitambudzika.” 10Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, “Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira!” Mwari akamupa zvaakakumbira.
11Kerubhi munun'una waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni. 12Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka.
13Vanakomana vaKenazi: Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati. 14Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nokuti dzaiva mhizha.
15Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi.
16Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri. 17Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa.
18Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaShoko, naJekutieri baba vaZanoa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.
19Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati.
20Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti.
21Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhea; 22naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata hushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare. 23Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara paNetaimi neGedhera; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake.
Vana vaSimeoni
24Vanakomana vaSimeoni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri; 25mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima. 26Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei. 27Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanun'una vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha.
28Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari; 29napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi; 30napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi; 31napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata hushe. 32Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu; 33nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo. 34NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia; 35naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri; 36naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya; 37naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya; 38ava vakarehwa mazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo. 39Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro. 40Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nokuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu.
41Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.
42Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimeoni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana vaIshi.
43Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002