1 Nhoroondo 4
4
Zvizvarwa zvokwaJudha
1Vanakomana vaJudha:
ndiPerezi naHezironi naKarumi naHuru
naShobhabhu.
2Reaya mwanakomana waShobharu:
akabereka Jahati baba
waAhumai naRahadhi. Ivava ndidzo
mhuri dzokwaZora.
Huru
3Vana vakomana vaEtamu:
ndaava vanoti; Jezirieri naIshima naIdhibhashi.
Zita rehanzvadzi yavo ndiHazireriponi.
4Penueri ndiye baba waGedhori,
Ezeru ariye baba waHusha.
Ivava ava ndizvo zvizvarwa zvokwaHuru
dangwe raEfurata
baba waBheterehemu.
Ashuri
5Ashuru baba waTekoa:
vaiva nebarika ravakadzi
vaviri, mumwe ainzi Hera mumwe achinzi Naara.
6Naara akamuberekera:
Ahuzamu naHefa naTemeni naHaahashitari.
Ivava ndivo vaiva vana vaNaara.
7Vanakomana vaHera:
ndiZereti naIzihari naEtinanai.
8Kozi ndiye baba
vaAnubhu naZobhebha nemhuri
dzokwaAhariheri mwanakomana waHarumu.
9Jabhezi uyu aiva munhu anoremekedzwa kwazvo navakoma navanun'una vake. Amai vake vakamutumidza zita rokuti Jabhezi vachiti pakumubereka ndakaona nhamo. 10Jabhezi akanamata Mwari weIsiraeri achiti:
“Dai mandikomborerawo zvenyu
nyika yangu muikudze-kudzewo
ruoko rwenyu rurambe ruchindisesedza,
mundidzivirirewo kune zvakaipa
kuti zvirege kundikuvadza.”
Mwari akamuitira zvaakakumbira.
Karebhu
11Kerubhu mukoma nomunun'una
naShuha ndiye akabereka Mehiri
baba waEshitoni.
12Eshitoni ndiye baba
waBhetirafa naPasea naTehina uya baba
waIrinahashi. Ivava ava ndivo vanhu vokuReka.
13Vanakomana vaKenazi:
ndiOtinieri naSeraya.
Vana vaOtinieri
vakomana ndiHatati
14kwouya Meonotai baba
waOfura.
Seraya ndiye abereka Joabhu
baba wevokwaGeharashimu#4:14 Geharashimu: muchiHebheru zvinoreva kuti, “Bani remhizha.”
vainzarwo nokuti vaiva mhizha.
15Vanakomana vaKerebhu mwanakomana waJefune:
ndiIru naEra naNaamu.
Vanawo vaEra vakomana ndiKenazi.
16Vana vakomana vaJeharerieri:
ndiZifu naZifa naTiria naAsareri.
17Vanakomana vaEzira:
ndiJeteru naMeredhi naEferu naJaroni.
Ivava ndivo vanakomana vaBhitia
mukunda waFarao akaroorwa naMeredhi.
Akavawo napamuviri akabereka
Miriamu naShamai naIshibha baba
waEshitemoa.
18Mudzimai wake wechiJudha,
akamuberekera Jeredhi baba waGedhori
kwouya Hebheru baba waSoko
kwouyawo Jekutieri baba waZanoa.
19Vanakomana vaHodhiya
nomudzimai wake uya
hanzvadzi yaNahamu
ndivo madzibaba aKeira wokuGarima
naEshitemoa wokwaMaaka.
20Vana vakomana vaShimoni
ndiAmunoni naRina naBhenihanani
naTironi. Vanawo vaIshi vakomana
ndiZoheti naBhenizoheti.
Zvizvarwa zvokwaShera
21Vanakomana vaShera, mwanakomana waJudha:
ndevava ava kunoti
Eru baba waReka, kwouya Raadha baba waMaresha,
kwouyawo mhuri dziya
dzemba yevagadziri vemicheka
yerineni vokuBhetiashibhea
22kwozouya Jokimu navanhu vokwaKozebha
naJoashi naSarafu akandoita
mukuwasha wevaMoabhu akazodzokera kuRakemu#4:22 Rakemu: chiHebheru chomutsara iwoyu hachinyatsonzwika.
(Nyaya dzachowo idzi
ndedzakarekare kwazvo).
23Ivava ava ndivo vaumbi vehari
nevagari vokuNetaimu neGedhera.
Vaigarako pamwechete namambo
vari vokumushandira.
Zvizvarwa zvokwaSimeoni
24Vanakomana vaSimeoni:
ndiNemueri naJamini naJaribhu naZera
naShauru.
25Mwanakomana waShauru ndiSharumu,
waSharumu ndiMibhishamu,
waMibhishamu ndiMishima.
26Vanakomana vaMishima ndiHamueri,
waHamueri ndiZakuri,
waZakuri ndiShimei.
27Shimei akanga ana vanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu. Asi vakoma navanun'una vake vakanga vasina vana vakawanda kunyangova mhuri yake yose haina kuwanda sevana vokwaJudha. 28Vaigara kuBheerishebha nokuMoradha nokuHazarishuaru 29nokuBhiriha nokuEzemu nokuTorati 30nokuBhetieri nokuHoruma nokuZikiragi 31nokuBhetimarikabhoti nokuHazarisuzimu nokuBhetibhiri nokuShaaraimu. Iwayo ndiwo aiva maguta avo kusvikira kutonga kwaDhavhidhi. 32Misha yavo yaiva iyi inoti Etamu neAini neRimoni neTokeni neAshani ari maguta, mashanu kudaro 33nemisha yakanga yakapoteredza maguta iwayo kusvikira kuBhaari, imomo ndomavaigara. Mamiriro akaita mhuri dzavo ndeaya aya:
34kuna Meshobha naJamureki naJosha
mwanakomana waAmaziya
35kwouya Joeri naJehu.
Mwanakomana waJehu ndiJoshibhiya,
waJoshibhiya ndiSeraya
waSerayawo ndiAsieri
36kwozouya Erioenai naJoakobha naJeshohaya
naAsaya naAdhieri naJesimeri naBhenaya
37kwoti Ziza aberekwa naShifi
mwanakomana waAroni aberekwa
naJedhaya mwanakomana waShimiri
aberekwa naShemaya.
38Ivava ava vadai kudomwa namazita vaiva madzishe mudzimhuri dzavo mudzimba dzamadzibaba avo mukawandwawo chaizvo. 39Vakatamira kwokunge tava kuda kundosvika kuGedhori kumabvazuva kwebani kundotsvaka mafuro ezvipfuwo zvavo. 40Ikoko vakawana mafuro chaiwo akanaka kwazvo, nyika iri huru ichisvika zvayo uko nokokoko kwakati zi-i kuine runyararo pamusana pokuti ndokwainge kugere vokwaHamu.
41Ivava vakadai kunyorwa namazita, vakasvikako mumazuva aHezekiya mambo wokwaJudha vakaparadza misha yavo pamwechete nevaMenuimu vainge varikowo. Vakavatsakatisa sezvazviri pari nhasi, panzvimbo pavo ivo vakabva vaita misha yavo nokuti kwaiva namafuro ezvipfuwo zvavo. 42Mazana mashanu evamwe varume vokwaSimeoni vakaenda kuGomo reSeiri vachitungamirirwa naPeratiya naNeariya naRefaya naUzieri vanakomana vaIshi. 43Vakaparadza marimbirimbi evokwaAmareki vakanga vapunyuka. Zvino vagere ikoko nanhasi uno.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.