1 Nhoroondo 5
5
Zvizvarwa zvokwaRubheni
1Zvino ndopouyawo vanakomana vaRubheni dangwe raIsiraeri nokuti iye ndiye dangwe asi pari pamusana pokuti akan'oresa pairara baba vake udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefi mwanakomana waIsiraeri. Nokudaro zita rake harisi kudomwa panzvimbo paro pakuberekwa kwake sedangwe. 2Kunyange zvazvo Judha ariye akazova nesimba chaizvo pakati pavakoma navanun'una vake maari mukatova ndimo makabuda mambo. Zvakadaro zvazvo udangwe ndohwaJosefi. 3Vanakomana vaRubheni mwana waIsiraeri ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi.
4Vana vakomana vokwaJoeri:
ndiShemaya waShemaya ndiGogu
waGogu ndiShimei
5mwanakomana waShimei ndiMika
waMika ndiReaya
waReaya ndiBhaari
6waBhaari ndiBheera.
Iyeyu ndiye nyakutapwa naTigiratipiriesari mambo weAsiria akaenda naye kuutapwa. Akanga ari mumwe wamadzishe okwaRubheni.
7Hama dzake dzokune dzimwe dzimba pazvizvarwa zvavo dzakanga dzakamira dzakadai izvi: kunoti ishe Jeieri naZakariya 8naBhera aberekwa naAzazi mwanakomana waShema aberekwa naJoeri, vagari vokuAroeri kusvikira kuNebho nokuBhaarimeoni. 9Vaigarawo kumabvazuva uku tava kusvika kurenje mhiri ino yaYufuratesi pamusana pokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda munyika yeGireadhi. 10Mumazuva aSauro vakarwiswa nehondo, vechiHagiri ndokuvarakatisa kuuraya ndokubva vaita misha mumisha yavo mudunhu rose rokumabvazuva kweGireadhi.
Zvizvarwa zvokwaGadhi
11Vanakomana vokwaGadhi vaigara pakatarisana navo
munyika yeBhashani kusvikira kuSareka:
12Joeri ndiye aiva changamire achitevedzerwa naShafamu
kwouya Janai naShafati muBhashani.
13Hama dzavo imba nemba ndevava ava:
kunoti Mikaeri naMeshuramu naShebha
naJorai naJakana naZiya naEbheri,
vari vanomwe kudaro.
14Ivava ndivo vanakomana vokwaAbhihairi:
mwana waHuru aberekwa naJaroya
mwanakomana waGireadhi ari mwanakomana
waMikaeri mwanakomana Jeshishai aberekwa
naJadho mwanakomana waBhuzi.
15Ahi mwanakomana waBhidhieri
mwana waGuni akanga ari mutungamiri
wedzimhuri dzemba yokwake.
16Vaigara kuGireadhi
nokuBhashani nemaguta awo
nomumafuro ose
eSharoni kusvika kwaanoperera.
17Vose ivava vakanyorwa nokuberekwa kwavo panguva yaJotamu mambo wokwaJudha napanguva yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri.
18VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase vaiva namagamba chaiwo avarume venhoo namapakatwa nevaigona kukanda miseve nyanzvi dzokurwa hondo vaiva vari zviuru zvina zvine mazana manomwe namakumi matanhatu. 19Vakandorwisa vokwaHagiri novokwaJeturi nevokwaNapishi nevokwaNodhabhu. 20Pavakabatsirwa kuvarwisa vakabvawo vakurira vaHagiri navose vavakanga vanavo nokuti mukurwa kwavo ikoku vakanga vachema kuna Mwari nokuti vaivimba naye. 21Vakavatorera zvipfuwo zvavo zvaiti zviuru makumi mashanu zvengamera dzavo kwouya hwai mazana maviri ezviuru ane zviuru makumi mashanu, kwouyawo zviuru zviviri zvamadhongi, kwozoti zana rechiuru chavanhu vavakatapa vari vapenyu 22sezvo ruzhinji rwavo rwakanga rwarakatiswa kufa nokuti hondo yacho yakanga iri hondo yaMwari. Vakagara munyika yaivavo kusvikira pakatapwa vanhu.
Kutapwa kwakaitwa madzinza avaIsiraeri okumabvazuva
23Chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vaigara munyika umu kubvira kuBhashani kusvikira kuBhaariherimoni nokuSeniri nokuGomo reHerimoni, vakanga vakawanda kwazvo. 24Vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo ndevava ava:
25Kunoti Eferu naIshi naErieri naAzirieri naJeremiya naHodhavhiya naJadhieri. Ivava vaiva magamba chaiwo okurwa vari vanhu vane mukurumbira vari vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo. 26Asi vakatadzira Mwari wamadzibaba avo vachiita unzenza hwokuteveredza kunamata vamwari vechirudzi venyika iyi vaye vavakaparadzirwa naMwari. Naizvozvo Mwari weIsiraeri akapinza mweya muna Puru mambo weAsiria nomuna Tigiratipiriesari mambo weAsiria wokuti atape vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase akavaendesa kuHara nokuHabhori nokuHara nokurwizi rweGozani kusvikira pari nhasi.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.