1 Makoronike 28:9-20
1 Makoronike 28:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi. Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.” Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira. Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa. Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo. Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira: Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe. Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha; uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha; uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha. Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.” Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.
1 Makoronike 28:9-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi. Zvino chenjera, nokuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.” Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo webiravira retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvepfuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa; nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvepfuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvepfuma yenhumbi dzakatsaurwa; neyamapoka avapristi navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha; neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvesirivha, chigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe; nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha; nezvikokowonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvinonhuwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha. Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu. Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.
1 Makoronike 28:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose. Zvino wochichenjera pamusana pokuti Tenzi akakusarudza kuti umuvakire imba yenzvimbo inoera. Chishinga uite izvozvo.” Dhavhidhi ndokubva apa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo wakanyorwa wamavakirwo ekamba kepamusuo peTemberi nedzimba dzayo nemokuchengetera upfumi nedzimba dzayo dzenhurikidzwa nedzimba dzayo dzomukati nemumba mokupfupirira zvitadzo. Akamutaurirawo zvose zvaiva mundangariro yake nezvezvivanze zvemba yaTenzi nedzimba dzose dzakaipoterera nomokuchengetera upfumi hwepamba yaMwari nemaichengeterwa zvipo zvainge zvapirwa kuna Mwari. Akamutaurirawo mamiriro ezvikwata zvavapristi nevaRevhi nebasa rose raifanira kuitwa mumba yaTenzi nezvemidziyo yose yokushandisa yaTenzi. Akamutaurirawo kurema kwendarama inodiwa pamidziyo yose yemo yendarama yebasa roga roga, uyewo kurema kwesirivha yemidziyo yesirivha yebasa roga roga; nouremu hwezvigadzikiro zvemwenje zvendarama namarambi azvo kurema kwendarama yechigadzikiro chomwenje choga choga nemarambi acho uyewo uremu hwesirivha yechigadzikiro chomwenje nemarambi acho maererano nebasa rachaizoitiswa; kwouya kurema kwendarama yetebhuru yechingwa chokuisa pana Tenzi nesirivha yetebhuru dzesirivha; kwoti ndarama chaiyo yakanakisisa yokugadzirisa maforogo nembenge nemakomichi kwotiwo nendiro dzendarama imwe neimwe nouremu hwayo; kukati atari yorusenzi yokugadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nokuremawo kwayo. Akamuzivisawo mamiriro aizoita chikochikari chendarama chemakerubhu aizenge akatambanudza mapapiro awo akafukidza bhokisi raTenzi rechitenderano. Zvose izvi ndakazvinyora ndiri mumaoko aTenzi akandiita kuti ndinzwisise zvirongwa namamiriro aizoita basa raakaronga. Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni, “Shinga utsunge mwoyo uzviite. Usatye kana kupazamiswa musoro nokuti Tenzi Mwari, iye Mwari wangu anewe. Haambokusiya uri woga kana kukurega uchikundikana kusvikira basa rose rinofanira kuitwa remba yaTenzi rapera.
1 Makoronike 28:9-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iwe Soromoni, mŋanakomana waŋgu, ziʋa Mŋari waɓaɓa ʋako, umushumire nomŋoyo wakarurama, ʋuye nomŋeya unoɗa kwaɀo; nokuti Jehova unonɀera mŋoyo yose, unonzwisisa ndaŋgariro dzose dzemifuŋgo; kana ukamutȿaka, iye ucawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye ucakurasha nokusiŋgaperi. Ɀino cenjera, nokuti Jehova wakakutsaura, kuti uʋake imba iʋe nɀimbo tȿene; ciʋa nesimba, uɀiite. Ipapo Davidi akapa mŋanakomana wake Soromoni mufananidzo weɓiraʋira retembere, nedzimba dzaro, neɀiʋigiro ɀefuma yaro, namakamuri aro okumsoro, namakamuri aro omukati, neimba yecifunhiro cokuyananisa; nemifananidzo yeɀose yakaŋga iri mumŋeya wake, yeʋazhe dzeimba yaJehova, neyamakamuri ose anokomberedza, neyeɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaMŋari, neyeɀiʋigiro ɀefuma yenhumbi dzakatsaurwa; neyamapoka aʋaprista naʋaRevi, neyamaɓasa ose eimba yaJehova, neyenhumbi dzose dzokuɓata nadzo paimba yaJehova; neyendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa; neyesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzose dzesirveri, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa; nokurema ʋo kwendarama yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀendarama, nemŋenje yaɀo, kurema kwecigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco; nesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀesirveri, cigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco, seɀakakwanira ɓasa recigadziko cimŋe necimŋe; nendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo tafura dzeɀiŋgwa ɀokuratidza, yetafura imŋe neimŋe; nesirveri yetafura dzesirveri; neɀikokoʋonho ɀenyama, nendiro, nemikombe ɀendarama yakaiȿo‐naka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe; nemidziyo yesirveri, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe; nokurema kwendarama yakanatswa yeartari yeɀinonhuwira; nendarama yomufananidzo weŋgoro, wamakerubi akatambanudza mapapiro awo, acifukidza areka yesuŋgano yaJehova. Iɀi ɀose, ndiɀo ɀakataura Davidi, ndakaɀiziʋiswa ɀakanyorwa noruʋoko rwaJehova, iwo maɓasa ose omufananidzo uyu. Ɀino Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Simba, utsuŋge mŋoyo, uɀiite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari, iye Mŋari waŋgu, unewe; haaŋgakuregi, kana kukusiya, kuȿikira maɓasa ose okushumira nawo paimba yaJehova apedzwa.
1 Makoronike 28:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)