“Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi. Zvino chenjera, nokuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.”
Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo webiravira retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvepfuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa; nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvepfuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvepfuma yenhumbi dzakatsaurwa; neyamapoka avapristi navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha; neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvesirivha, chigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe; nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha; nezvikokowonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvinonhuwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu.
Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.