Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 28

28
Dhavhidhi anoraira Soromoni pamusoro petemberi
1Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nepfuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.
2Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, “Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo. 3Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuvakira zita rangu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateura ropa.’ 4Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose. 5Zvino pakati pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji) akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.
6“Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nevazhe dzangu; nokuti ndakamutsaura kuti ave mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake. 7Ndichasimbisa ushe hwake nokusingaperi, kana iye achitsungirira kuita zvandakaraira nezvandakatonga, sezvaanoita nhasi.’
8“Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.
9“Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi. 10Zvino chenjera, nokuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.”
11Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo webiravira retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvepfuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa; 12nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvepfuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvepfuma yenhumbi dzakatsaurwa; 13neyamapoka avapristi navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha; 14neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; 15nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvesirivha, chigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe; 16nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha; 17nezvikokowonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema kwomudziyo mumwe nomumwe; 18nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvinonhuwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
19Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu.
20Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa. 21Zvino tarira, ndiwo mapoka avapristi navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomwoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachaterera chose mirairo yako.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 28: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda