Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 28

28
Davidi unoraira Soromoni pamsoro petembere.
1Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza paJerusarema macinda ose aIsraeri, macinda amarudzi, naʋakuru ʋamapoka aiɓatira mambo vaciita mapoka, naʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana, naʋatariri ʋenhumbi dzose nefuma yose yamambo naʋanakomana ʋake, pamŋe cete naʋaranda naʋanesimba, ʋarume ʋose ʋoʋumhare. 2Ipapo mambo Davidi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati: Cindinzwai hama dzaŋgu, naʋanhu ʋaŋgu! Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira areka yesuŋgano yaJehova necitsiko caMŋari weɗu imba yokuzorora; ɀino ndakaŋga ndagadzira ɀose ɀokuʋaka naɀo. 3Asi Mŋari wakati kwandiri: Iwe haufaniri kuʋakira zita raŋgu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateʋura ropa. 4Asi Jehova, Mŋari waIsraeri, wakanditsaura paimba yose yaɓaɓa ʋaŋgu kuti ndiʋe mambo waIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti wakatsaura Juda kuti aʋe mutuŋgamiriri; paimba yaJuda akatsaura imba yaɓaɓa ʋaŋgu; pakati paʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaŋgu wakandifarira ini, akandiita mambo waʋaIsraeri ʋose. 5Ɀino pakati paʋanakomana ʋaŋgu ʋose (nokuti Jehova wakandipa ʋanakomana ʋazhinji) wakatsaura mŋanakomana waŋgu Soromoni, kuti agare pacigaro coʋushe caJehova munaIsraeri. 6Akati kwandiri: Soromoni mŋanakomana wako ndiye ucaʋaka imba yaŋgu neʋazhe dzaŋgu; nokuti ndakamutsaura kuti aʋe mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake. 7Ndicasimbisa ʋushe bgake nokusiŋgaperi, kana iye acitsuŋgirira kuita ɀandakaraira neɀandakatoŋga, seɀaanoita nhasi. 8Naiɀoɀo ɀino, pamberi paʋaIsraeri ʋose, neʋuŋgano yose yaJehova, Mŋari weɗu aciɀinzwa, ceŋgetai nokutȿaka mirairo yose yaJehova Mŋari wenyu; kuti nyika ino yakanaka iʋe yenyu, mugoisiyira ʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi. 9Ɀino iwe Soromoni, mŋanakomana waŋgu, ziʋa Mŋari waɓaɓa ʋako, umushumire nomŋoyo wakarurama, ʋuye nomŋeya unoɗa kwaɀo; nokuti Jehova unonɀera mŋoyo yose, unonzwisisa ndaŋgariro dzose dzemifuŋgo; kana ukamutȿaka, iye ucawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye ucakurasha nokusiŋgaperi. 10Ɀino cenjera, nokuti Jehova wakakutsaura, kuti uʋake imba iʋe nɀimbo tȿene; ciʋa nesimba, uɀiite.
11Ipapo Davidi akapa mŋanakomana wake Soromoni mufananidzo weɓiraʋira retembere, nedzimba dzaro, neɀiʋigiro ɀefuma yaro, namakamuri aro okumsoro, namakamuri aro omukati, neimba yecifunhiro cokuyananisa; 12nemifananidzo yeɀose yakaŋga iri mumŋeya wake, yeʋazhe dzeimba yaJehova, neyamakamuri ose anokomberedza, neyeɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaMŋari, neyeɀiʋigiro ɀefuma yenhumbi dzakatsaurwa; 13neyamapoka aʋaprista naʋaRevi, neyamaɓasa ose eimba yaJehova, neyenhumbi dzose dzokuɓata nadzo paimba yaJehova; 14neyendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa; neyesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzose dzesirveri, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa; 15nokurema ʋo kwendarama yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀendarama, nemŋenje yaɀo, kurema kwecigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco; nesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀesirveri, cigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco, seɀakakwanira ɓasa recigadziko cimŋe necimŋe; 16nendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo tafura dzeɀiŋgwa ɀokuratidza, yetafura imŋe neimŋe; nesirveri yetafura dzesirveri; 17neɀikokoʋonho ɀenyama, nendiro, nemikombe ɀendarama yakaiȿo‐naka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe; nemidziyo yesirveri, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe; 18nokurema kwendarama yakanatswa yeartari yeɀinonhuwira; nendarama yomufananidzo weŋgoro, wamakerubi akatambanudza mapapiro awo, acifukidza areka yesuŋgano yaJehova. 19Iɀi ɀose, ndiɀo ɀakataura Davidi, ndakaɀiziʋiswa ɀakanyorwa noruʋoko rwaJehova, iwo maɓasa ose omufananidzo uyu. 20Ɀino Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Simba, utsuŋge mŋoyo, uɀiite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari, iye Mŋari waŋgu, unewe; haaŋgakuregi, kana kukusiya, kuȿikira maɓasa ose okushumira nawo paimba yaJehova apedzwa. 21Ɀino tarira, ndiwo mapoka aʋaprista naʋaRevi, ʋaŋgaɓata maɓasa ose eimba yaMŋari; ʋuye ɀe pamaɓasa ose ucaʋa nemhizha dzose dzinoɗa kuɓata nomŋoyo wadzo maɓasa amarudzi ose; naʋakuru naʋanhu ʋose ʋacaterera cose mirairo yako.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 28: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda