I Makoronike 27
27
Ʋakuru ʋehondo.
1Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋereŋgwa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋatariri ʋaʋo ʋaiɓatira mambo paɀinhu ɀose ɀamapoka aipinda nokuɓuɗa mŋedzi mumŋe nomumŋe, mŋedzi yose yegore, ɓoka rimŋe nerimŋe rikaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 2Mutariri weɓoka rokutaŋga, pamŋedzi wokutaŋga, wakaŋga ari Jashobeami mŋanakomana waZabdieri; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 3Iye wakaŋga ari mumŋe waʋana ʋaPerezi, mukuru waʋatariri ʋose ʋehondo pamŋedzi wokutaŋga. 4Mutariri weɓoka romŋedzi wecipiri wakaŋga ari Dodai muAhohi, neɓoka rake; Mikroti ndiye waiʋaraira; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 5Mukuru wecitatu wehondo pamŋedzi wecitatu, wakaŋga ari Benaya, mŋanakomana womuprista Jehoyada, iye mukuru; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 6Uyu ndiye Benaya uya, wakaŋga ari munhu wesimba pakati paʋanamakumi matatu, waiʋa mutariri waʋanamakumi matatu; Amizabadi mŋanakomana wake wakaŋga ari weɓoka rake. 7Mukuru wecinna, pamŋedzi wecinna, wakaŋga ari Asaheri munuŋuna waJoabi, naZebadia mŋanakomana wake waimuteʋera; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 8Mukuru weshanu, pamŋedzi weshanu, wakaŋga ari Shamhuti muIzrahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 9Mukuru wetanhatu, pamŋedzi wetanhatu, wakaŋga ari Ira mŋanakomana waIkeshi muTekoi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 10Mukuru wecinomŋe, pamŋedzi wecinomŋe, wakaŋga ari Herezi muPeroni, waʋana ʋaEfraimi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 11Mukuru worusere, pamŋedzi worusere, wakaŋga ari Sebekai muHushati, waʋaZerahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 12Mukuru wepfumbamŋe, pamŋedzi wepfumbamŋe, wakaŋga ari Abiezeri muAnatoti, waʋaBenjamini; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 13Mukuru wegumi, pamŋedzi wegumi, wakaŋga ari Maharai muNetofati, waʋaZerahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 14Mukuru wegumi nomumŋe, pamŋedzi wegumi nomumŋe, wakaŋga ari Benaya muPiratoni, waʋana ʋaEfraimi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna. 15Mukuru wegumi naʋaʋiri, pamŋedzi wegumi nemiʋiri, wakaŋga ari Herdai muNetofati, waOtnieri; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
Ʋarairi ʋamarudzi anegumi namaʋiri.
16Ʋuye, kwakaŋga kunaʋarairi ʋamarudzi aIsraeri; ʋokuʋaRubeni wakaŋga ari Eriezeri mŋanakomana waZikri, murairi; wokuʋaSimeoni: Shefatia mŋanakomana waMaaka; 17wokwaRevi: Hashabia, mŋanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadoki; 18wokwaJuda: Erihu, mumŋe waʋanuŋuna ʋaDavidi; wokwaIsakari: Omri mŋanakomana waMikaeri; 19wokwaZeburuni: Ishmaya mŋanakomana waObadia; wokwaNaftari: Jeremoti mŋanakomana waAzrieri; 20wokuʋana ʋaEfraimi: Hoshea mŋanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mŋanakomana waPedaya; 21wokuhafu yorudzi rwaManase paGireadi: Ido mŋanakomana waZekaria; wokwaBenjamini: Jasieri mŋanakomana waAbneri; 22wokwaDani: Azareri mŋanakomana waJerohami. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋamarudzi aIsraeri. 23Asi Davidi haana‐kuʋereŋga ʋamakore makumi maʋiri naʋaɗuku kwaʋari; nokuti Jehova wakataura kuti ucawanza ʋaIsraeri, ʋaʋe senyeredzi dzokuɗeŋga. 24Joabi mŋanakomana waZeruya wakataŋga kuʋereŋga, asi haana‐kupedza; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri nemhoȿa iyi; ʋuye haʋana‐kuisa kuwanda kwaʋo pamakoronike amambo Davidi.
Ʋamŋe ʋaranda ʋaDavidi.
25Mutariri wefuma yamambo wakaŋga ari Asmaveti mŋanakomana waAdieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, wakaŋga ari Jonatani mŋanakomana waUzia; 26mutariri waʋanhu ʋaiɓata paminda ʋacirima pasi, wakaŋga ari Ezri mŋanakomana waKerubi. 27Mutariri weminda yemizambiriŋga, wakaŋga ari Shimei muRamati; mutariri weɀiɓereko ɀeminda yemizambiriŋga, wedzimba dzewaini, wakaŋga ari Zabdi muShifmi; 28mutariri wemiorivi nemiʋonde yakaŋga iri pamapani, wakaŋga ari Baari‐hanani muGederi; mutariri wedzimba dzamafuta wakaŋga ari Joashi. 29Mutariri wamapoka eɀipfuwo, ɀaifura paSharoni, wakaŋga ari Shitrai muSharoni, ʋuye mutariri wamapoka aigara pamipata, wakaŋga ari Shafati mŋanakomana waAdrai; 30mutariri wamakamera wakaŋga ari Obiri muIshmaeri; ʋuye mutariri wemboŋgoro wakaŋga ari Jedeya muMeronoti; 31mutariri wamapoka amakwai wakaŋga ari Jazizi muHagri. Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋarairi ʋenhumbi dzamambo Davidi.
32Ʋuye Jonatani muzukuru waDavidi wakaŋga ari gurukota, murume wakaŋgwara, munyori; Jehieri mŋanakomana waHakmoni waigara naʋanakomana ʋamambo; 33Ahitoferi wakaŋga ari gurukota ramambo; naHushai muArki yaiʋa shamŋari yamambo; 34waiteʋera Ahitoferi ndiJehoyada mŋanakomana waBenaya, naAbiyatari; mukuru wehondo yamambo wakaŋga ari Joabi.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 27: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018