Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 26

26
Ʋatariri ʋetembere.
1Mapoka aʋatariri ʋemikoʋa akaŋga akaɗai: ƲaʋaKora: Mesheremia mŋanakomana waKore, waʋanakomana ʋaAsafi. 2Mesheremia wakaŋga anaʋanakomana aʋa: Zekaria weɗaŋgwe, wecipiri Jediaeri, wecitatu Zebadia, wecinna Jatnieri; 3wecishanu Erami, wecitanhatu Johanani, wecinomŋe Erihonai. 4NaObedi‐edomi wakaŋga anaʋanakomana aʋa: Shemaya weɗaŋgwe, wecipiri Jehozabadi, wecitatu Joa, wecinna Sakari, weshanu Netaneri; 5wetanhatu Amieri, wecinomŋe Isakari, worusere Peuretai; nokuti Mŋari wakaŋga amuropafadza. 6NaShemaya mŋanakomana wake, wakaɓerekerwa ʋo ʋanakomana ʋakaɓata imba yaɓaɓa ʋaʋo; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanesimba noʋumhare. 7Ʋanakomana ʋaShemaya ʋakaŋga ʋari: Otni, naRefaeri, naObedi, naErzabadi; ʋanuŋuna ʋake Erihu naSemakia, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋoʋumhare. 8Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaObedi‐edomi; iʋo naʋanakomana ʋaʋo, naʋanuŋuna ʋaʋo ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanesimba ʋaigona kuɓate‐ɓasa; ʋakaŋga ʋanamakumi matanhatu naʋaʋiri ʋaObedi‐edomi. 9Mesheremia wakaŋga anaʋanakomana naʋanuŋuna, ʋarume ʋoʋumhare, ʋanegumi naʋasere. 10NaHosa ʋo, mumŋe waʋanakomana ʋaMerari, wakaŋga anaʋanakomana; mukuru wakaŋga ari Shimri, (nokuti kunyaŋge wakaŋga asati ari weɗaŋgwe ɓaɓa ʋake ʋakamuita mukuru;) 11wecipiri Hirkia, wecitatu Tebaria, wecinna Zekaria; ʋanakomana ʋose ʋaHosa naʋanuŋuna ʋake ʋakaȿika gumi naʋatatu. 12Mapoka aʋatariri ʋemikoʋa ʋakabva pakati paiʋaʋo, pakati paʋarume ʋakuru, ʋakapiwe‐ɓasa saʋanuŋuna ʋaʋo kuɓata muimba yaJehova. 13Ʋakakanda mijenya, ʋaɗuku pamŋe cete naʋakuru, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo kuzoratidzwa suʋo rimŋe nerimŋe. 14Sheremia akaratidzwa mugoʋe wokumabvazuʋa. Ɀino ʋakakanda mijenya pamsoro paZekaria mŋanakomana wake, gurukota rakaŋga rakaŋgwara; mugoʋe wake ukaratidzwa kurutiʋi rwokumsoro. 15WaObedi‐edomi kurutiʋi rwezasi; waʋanakomana ʋake wokuceŋgeta ɗura. 16WaShupimi naHosa kumaʋirazuʋa, pasuʋo reShareketi pamugwagwa unokwira, ʋarindi ʋakatarisana. 17Kumabvazuʋa kwakaŋga kunaʋaRevi ʋatanhatu, kurutiʋi rwokumsoro zuʋa rimŋe nerimŋe ʋanna, kurutiʋi rwezasi zuʋa rimŋe nerimŋe ʋanna, ʋuye paɗura ʋaʋiri‐ʋaʋiri. 18WaParbari kumaʋirazuʋa, ʋanna pamugwagwa, naʋaʋiri paParbari. 19Ndiyo migoʋe yaʋatariri ʋemikoʋa, ʋaʋanakomana ʋaʋaKora naʋanakomana ʋaMerari.
Ʋaceŋgeti ʋefuma.
20Pakati paʋaRevi Ahija waitarira ɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaMŋari, neɀiʋigiro ɀefuma yeɀinhu ɀitȿene. 21Ʋanakomana ʋaRadani: Ʋanakomana ʋaʋaGershoni ʋaiʋa ʋaRadani, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aRadani muGershoni: Jehieri. 22Ʋanakomana ʋaJehieri: Zetami, naJoeri munuŋuna wake, ʋaitarira ɀiʋigiro ɀeimba yaJehova. 23Pakati paʋaAmrami, naʋaIshari, naʋaHebroni, naʋaUzieri: 24Shebueri mŋanakomana waGershomi, mŋanakomana waMosesi, wairaira ɀiʋigiro. 25Naʋanuŋuna ʋake: ƲaEriezeri, mŋanakomana wake Rehabia, nomŋanakomana wake Jeshaya, nomŋanakomana wake Jorami, nomŋanakomana wake Zikri, nomŋanakomana wake Sheromoti. 26Sheromoti uyu naʋanuŋuna ʋake ndiʋo ʋaitarira ɀiʋigiro ɀose ɀeɀinhu ɀitȿene, ɀakaŋga ɀatsaurwa namambo Davidi, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋakuru ʋehondo. 27Pakati peɀakapambga pakurwa ʋakatsaura ɀimŋe ɀokugadzirisa naɀo imba yaJehova. 28Ɀose ɀakaŋga ɀatsaurwa naSamueri muʋoni, ʋuye naSauro mŋanakomana waKishi, naAbneri mŋanakomana waNeri, naJoabi mŋanakomana waZeruya; ɀose ɀakaŋga ɀatsaurwa nani nani ɀakaŋga ɀiciceŋgetwa naSheromoti naʋanuŋuna ʋake. 29Pakati paʋaIshari: Kenania naʋanakomana ʋake ʋaiɓata maɓasa okunze pakati paIsraeri, ʋari ʋatariri naʋatoŋgi. 30Pakati paʋaHebroni, Hashabia naʋanuŋuna ʋake, ʋarume ʋoʋumhare, ʋanecuru cinamazana manomŋe, ʋaitarira Israeri mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, kuti ʋaɓate maɓasa ose aJehova namaɓasa amambo. 31Pakati paʋaHebroni, Jeriya wakaŋga ari mukuru, ipo pakati paʋaHebroni, namarudzi aʋo nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. Pagore ramakumi manna rokuɓata ʋushe kwaDavidi ʋakatȿakwa, ʋakawana pakati paʋo ʋarume ʋanesimba noʋumhare paJazeri reGireadi. 32Ʋanuŋuna ʋake, ʋarume ʋoʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀiʋiri namazana manomŋe, ʋari ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakaŋga ʋaitwa namambo Davidi ʋatariri ʋaʋaRubeni, naʋaGadi, naʋehafu yorudzi rwaManase, kuti ʋaite ɀose ɀaMŋari, namaɓasa ose amambo.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 26: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda