I Makoronike 25
25
Mapoka aʋaimbi.
1Davidi naʋakuru ʋehondo ʋakatsaurira ʋo ɓasa raʋo ʋanakomana ʋaAsafi naHemani naJedutuni, kuti ʋaprofite nembira, nemiteŋgeraŋwa, namakandira; mazita aʋakaɓate‐ɓasa raʋo ndiwo: 2Ʋaʋanakomana ʋaAsafi: Zakuri, naJosefa, naNetania, naAsharera, ʋanakomana ʋaAsafi; ʋairairwa naAsafi, waiprofita nomurairo wamambo. 3ƲaJedutuni: Ʋanakomana ʋaJedutuni: Gedaria, naZeri, naJeshaya, naHashabia, naMatitia, ʋatanhatu; iʋo ʋairairwa naɓaɓa ʋaʋo Jedutuni nembira, waiprofita aciʋoŋga nokurumbidza Jehova. 4ƲaHemani: Ʋanakomana ʋaHemani: Bukia, naMatania, naUzieri, naShebueri, naJerimoti, naHanania, naHanani, naEriata, naGidareti, naRomamti‐ezeri, naJoshbekasha, naMaroti, naHotiri, naMahazioti. 5Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaHemani muʋoni wamambo pamashoko aMŋari; Mŋari akapa Hemani ʋanakomana ʋanegumi naʋanna, naʋakunda ʋatatu, kuzomusimbisa. 6Aʋa ʋose ʋairairwa naɓaɓa ʋaʋo pakuimba kwaʋo paimba yaJehova namakandira, nemiteŋgeraŋwa, nembira, paɓasa reimba yaMŋari; Asafi, naJedutuni, naHemani ʋairairwa namambo. 7Aʋa ʋose, pamŋe cete nehama dzaʋo dzakaŋga dzadzidziswa kuimbira Jehova, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋacigona kwaɀo, ʋakaȿika mazana maʋiri namakumi masere naʋasere. 8Ʋakakanda mijenya kuzoratidzwa maɓasa aʋo, kusina‐unoɗarikwa, ʋaɗuku pamŋe cete naʋakuru, naʋadzidzisi pamŋe cete naʋadzidzi. 9Mujenya wokutaŋga waAsafi ukaɓata Josefa; wecipiri Gedaria; iye naʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋari gumi naʋaʋiri; 10wecitatu Zakuri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 11wecinna Izri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 12weshanu Netania, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 13wetanhatu Bukia, naʋanakomana ʋake, naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 14wecinomŋe Jesharera, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 15worusere Jeshaya, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 16wepfumbamŋe Matania, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 17wegumi Shimei, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 18wegumi nomumŋe Azareri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 19wegumi naʋaʋiri Hashabia, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 20wegumi naʋatatu Shubaeri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 21wegumi naʋanna Matitia, naʋanakomana ʋake, naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 22wegumi naʋashanu Jeremoti, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 23wegumi naʋatanhatu Hanania, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 24wegumi naʋanomŋe Joshbekasha, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 25wegumi naʋasere Hanani, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 26wegumi naʋapfumbamŋe Maroti, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 27wamakumi maʋiri Eriati, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 28wamakumi maʋiri nomumŋe Hotiri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 29wamakumi maʋiri naʋaʋiri Gidareti, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 30wamakumi maʋiri naʋatatu Mahazioti, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri; 31wamakumi maʋiri naʋanna Romamti‐ezeri, naʋanakomana ʋake naʋanuŋuna ʋake, gumi naʋaʋiri.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018