Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 1:28-54

1 Makoronike 1:28-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami, Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri. Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani vaiva: Shebha naDhedhani. Vanakomana vaMidhiani vaiva: Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura. Abhurahama aiva baba vaIsaka. Vanakomana vaIsaka vaiva: Esau naIsraeri. Vanakomana vaEsau vaiva: Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora. Vana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi; naTimina, vakabereka Amareki. Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Vanakomana vaSeiri vaiva: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani. Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. Vanakomana vaZibheoni vaiva: Aya naAna. Mwanakomana waAna ainzi Dhishoni. Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani. Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani. Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani. Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha. Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo. Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo. Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti. Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo. Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo. Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo. Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi. Hadhadhi akafawo. Madzishe eEdhomu aiva: Timina, Arivha, Jeteti Ohoribhama, Era, Pinoni, Kenazi, Temani, Mibhiza, Magidhieri naIrami. Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

1 Makoronike 1:28-54 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vanakomana vaAbhurahamu: Isaka, naIshimaeri. Ndiwo marudzi avo: Mwana wedangwe waIshimaeri, Neabhaioti, tevere Kedhari, naAbhidheeri, naMibhisami, naMishima, naDhuma, naMasa; naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema. Ndivo vanakomana vaIshimaeri. Vanakomana vaKetura, murongo waAbhurahamu: Iye wakabereka Zimirani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Vanakomana vaJokishani: Shebha, naDhedhani. Vanakomana vaMidhiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vaiva vanakomana vaKetura. Abhurahamu akabereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau, naIsiraeri. Vanakomana vaEsau: Erifazi, naReueri, naJeushi, naJarami, naKora. Vanakomana vaErifazi: Temani, naOmari, naZefi, naGatami, naKenazi, naTimina, naAmareki. Vanakomana vaReueri: Nahati, naZera, naShama, naMiza. Vanakomana vaSheiri: Rotani, naShobhari, naZibheoni, naAna, naDhishani. Vanakomana vaRotani: Hori, naHomami; Timina waiva hanzvadzi yaRotani. Vanakomana vaShobhari: Ariani naManahati, naEbhari, naShefi naOnami. Vanakomana vaZibheoni: Aia naAna. Vanakomana vaAna: Dishoni. Vanakomana vaDhishoni: Hamurani naEshibhani naItirani naKerani. Vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavani, naJaakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi naArani. Zvino ndiwo madzimambo akabata hushe panyika yaEdhomu, vaIsiraeri vachigere kuva namambo, Bhera mwanakomana waBheori; zita reguta rake raiva Dhinabha. Bhera akafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira akamutevera pahushe. Jobhabhu akafa, Hushani wenyika yavaTemani akamutevera pahushe. Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhi, akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Avhiti. Hadhadhi akafa, Samira weMasireka akamutevera pahushe. Shamira akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akamutevera pahushe. Shauri akafa, Bhaarihanani mwanakomana waAkibhori akamutevera pahushe. Bhaarihanani akafa, Hadhadhi akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Pai; uye zita romukadzi wake raiva Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMezahabhi. Hadhadhi akafa. Madzishe eEdhomu ndiwo: Ishe Timina, nashe Aria, nashe Jeteti, nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Phinoni, nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhazari, nashe Magidhieri, nashe Irami. Ndiwo madzishe aEdhomu.

1 Makoronike 1:28-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vanakomana vaAbhurahamu ndiIsaki naIshimaeri. Zvizvarwa zvavo ivava ndezvizvi: Dangwe rechikomana raIshimaeri ndiNebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu, kwouya Mishima naDhuma naMasa naHadhadhi naTema, kwoti Jeturi naNafishi naKedhima. Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri. Vanakomana vaKetura: mumwe mukadzi waAbhurahamu akabereka Zimurani naJokishani naMedhani naMidhiani naIshibhaki naShua. Vanakomana vaJokishani ndiShebha naDhedhani. Vanakomana vaMidhiani: ndiEfa naEferu naHanoki naAbhita naEridhaa. Vose ivava zvizukuru zvokwaKetura. Abhurahamu: ndiye baba waIsaki. Vanakomana vaIsaki: ndiEsau naIsiraeri. Vanakomana vaEsau: ndiErifazi naRueri naJeushi naJairamu naKora. Vanakomana vaErifazi: ndiTemani naOmari naZefi naGatamu naKenazi naTimuna naAmareki. Vanakomana vaReueri: ndiNahati naZera naShama naMiza. Vanakomana vaSeiri: ndiRotani naShobharu naZibheoni naAna naDhishoni naEzeru naDhishani. Vanakomana vaRotani: ndiHori naHomamu. Hanzvadzi yaRotani ndiTimuna. Vanakomana vaShobharu: ndiAriani naManahati naEbharu naShefi naOnamu. Vanakomana vaZibheoni: ndiAya naAna. Vanakomana vaAna ndiDhishoni. Vanakomana vaDhishoni ndiHamurani naEshibhani naItirani naKerani. Vanakomana vaEzeru: ndiBhirihani naZaavhani naJaakani. Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. Kusati kwambova zvako namambo wokutonga vaIsiraeri, madzimambo akatonga munyika yeEdhomu ndeaya: kwaiti Bhera mwanakomana waBheori. Muzinda wake waiva guta reDhinihabha. Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozira ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafa Jobhabhu, Hushamu wokudunhu revokwaTemani ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafawo Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akakurira vaMidhiani vaya kunyika yeMoabhu ndiye akatonga panzvimbo pake. Zita reguta rake rainzi Avhiti. Hadhadhi paakafa, Samira wokuMasireka ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafa Samira, Shauro weRehobhoti kuna Yufuratesi ndiye akatonga panzvimbo pake. Shauro paakafa, Bhaarihanani mwanakomana waAkori ndiye akatonga panzvimbo pake. Pakafawo Bhaarihanani, Hadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake. Zita reguta rake rainzi Pai. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabhieri aberekwa naMatiredhi mwanasikana waMezahabhu. Hadhadhi akazofa. Madzishe okuEdhomu: ndishe Timuna naAriya naJeteti naOhoribhama naEra naPinoni, kwouya Kenazi naTemani naMibhuzari kwozouya Magidhieri naIramu. Ivava ava ndivo madzishe okuEdhomu.

1 Makoronike 1:28-54 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋanakomana ʋaAbrahama: Isaka, naIshmaeri. Ndiwo marudzi aʋo: Mŋana weɗaŋgwe waIshmaeri, Nebaioti, teʋere Kedari, naAbdeeri, naMibsami, naMishma, naDuma, naMasa; naHadadi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedema. Ndiʋo ʋanakomana ʋaIshmaeri. Ʋanakomana ʋaKetura, muroŋgo waAbrahama: Iye wakaɓereka Zimrani, naJokshani, naMedani, naMidiani, naIshbaki, naShua. Ʋanakomana ʋaJokshani: Sheba, naDedani. Ʋanakomana ʋaMidiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbida, naErda. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaKetura. Abrahama wakaɓereka Isaka. Ʋanakomana ʋaIsaka: Esau, naIsraeri. Ʋanakomana ʋaEsau: Erifazi, naReueri, naJeushi, naJarami, naKora. Ʋanakomana ʋaErifazi: Temani, naOmari, naZefi, naGatami, naKenazi, naTimna, naAmareki. Ʋanakomana ʋaReueri: Nahati, naZera, naShama, naMiza. Ʋanakomana ʋaSeiri: Rotani, naShobari, naZibeoni, naAna, naDishani. Ʋanakomana ʋaRotani: Hori, naHomami; Timna waiʋa hanɀadzi yaRotani. Ʋanakomana ʋaShobari: Ariani naManahati, naEbari, naShefi naOnami. Ʋanakomana ʋaZibeoni: Aia naAna. Ʋanakomana ʋaAna: Dishoni. Ʋanakomana ʋaDishoni: Hamrani naEshbani naItrani naKerani. Ʋanakomana ʋaEzeri: Birhani naZaavani, naJaakani. Ʋanakomana ʋaDishani: Uzi naArani. Ɀino ndiwo madzimambo akaɓata ʋushe panyika yaEdomi, ʋaIsraeri ʋacigere kuʋa namambo: Bera mŋanakomana waBeori; zita reguta rake raiʋa Dinhaba. Bera akafa, Jobabi mŋanakomana waZera weBozra akamuteʋera paʋushe. Jobabi akafa, Hushami wenyika yaʋaTemani akamuteʋera paʋushe. Hushami akafa, Hadadi mŋanakomana waBedadi, wakaɗeya kuʋuraya Midiani pamunda waMoabi, akamuteʋera paʋushe; zita reguta rake raiʋa Aviti. Hadadi akafa, Samra weMasreka akamuteʋera paʋushe. Samra akafa, Shauri weRehoboti paRwizi akamuteʋera paʋushe. Shauri akafa, Baari‐hanani mŋanakomana waAkbori akamuteʋera paʋushe. Baari‐hanani akafa, Hadadi akamuteʋera paʋushe; zita reguta rake raiʋa Pai; ʋuye zita romukadzi wake raiʋa Mehetaberi, mukunda waMatredi, mukunda waMezahabi. Hadadi akafa. Madzishe aEdomi ndiwo: Ishe Timna, nashe Aria, nashe Jeteti, nashe Ohoribama, nashe Era, nashePinoni, nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibzari, nashe Magdieri, nashe Irami. Ndiwo madzishe aEdomi.

1 Makoronike 1:28-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)