Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 1

1
I: ZVIZVARWA ZVAVANHU
KUBVIRA KUNA ADHAMU KUSVIKA KUNA ISIRAERI
Zvikwata zvitatu zvamadzitateguru okutanga Kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Abhurahamu
(Mav 5:1–32; 10:1–32; 11:10–26)
Adhamu kusvika kuna Nowa
1Zitateguru ndiAdhamu kwouya Seti kwoti Enoshi 2kwotiwo Kenani kwouya Mahararieri kwouyawo Jaredhi 3kwozouya Enoki tevere Metusharaki kwozotiwo Rameki,
4kwozoti Nowa:
kwouya Shemu naHamu naJafeti.
Dzinza rokwaJafeti
5Vana vaJafeti vakomana
ndiGomeri naMagogu naMadhai naJavhani
naTubhari naMesheki naTirasi.
6Vana vaGomeri: vakomana
ndiAshikenazi naRifati naTogarima.
7Vana vaJavhani: vakomana
ndiErisha naTarishishi#1:7 Tarishishi: ndiSipeini; Kitimu ndiSaipurasi; Dhodhanimu ndiRodhesi. naKitimu
naDhodhanimu.
Dzinza rokwaHamu
8Vanakomana vaHamu:
ndiKushi naIjipiti naPuti#1:8 Puti: ndiRibhiya. naKanani.
9Vana vaKushi: vakomana
ndiSebha naHavhira naSabhuta naRama naSabhuteka.
Vana vaRaama: vakomana
ndiShebha naDhedhani.
10Kushi ndiye baba:
waNimurodhi uya akava mambo
wokutanga pasi pano.
11Ijipiti:#1:11 vainziwo Mitsiraimi. ndivo baba
vaRudhimu naAnamimu naRehabhimu
kwouya Nafutuhimu
12naPatirusimu naKasiruhimu
(tateguru kwakabva vaFirisitia)
kwozouya Kafutorimu.
13Kanani: akabereka
Sidhoni dangwe rake naHeti,
14ndivo tateguru wavaJebhusi navaAmori
navaGirigashi,
15kwoti wavaHivhi nevaAriki navaSini,
16kwozoti vaArivhadhi navaZemari
navaHamati.
Dzinza rokwaShemu
17Vana vokwaShemu: vakomana
ndiEramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu
vanakomana vaAramu ndiUzi naHuru naGeteri naMesheki.
18Aripakishadhi akabereka Shera,
Shera akabereka Ebheru.
19Ebheru akabereka vana vakomana vaviri:
mumwe ndiPeregi (nokuti
panguva yake nyika yakanga yakamuraniswa.)
Munun'una wake ainzi Jokitani.
20Jokitani akabereka:
Arimodhadhi naSherefu naHazimavheti naJera,
21kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira
22naEbhari naAbhimaeri naShebha
23kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu.
Vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani.
Madzitateguru kubvira kuna Shemu kusvika kuna Abhurahamu
24Kwaiva naShemu kwouya Aripakishadhi kwoti Shera
25kwouyawo Ebheru kwozouya Peregi kwoti Reu
26kwozoti Serugi kwouya Nahori kwozouya Tera
27kwozoti Abhuramu ndiye Abhurahamu iyeye.
Mhuri yaAbhurahamu
28Vanakomana vaAbhurahamu
ndiIsaki naIshimaeri.
Zvizvarwa zvokwaIshimaeri
(Mav 25:12–16)
29Zvizvarwa zvavo ivava ndezvizvi:
Dangwe rechikomana raIshimaeri ndiNebhayoti
tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu,
30kwouya Mishima naDhuma naMasa
naHadhadhi naTema,
31kwoti Jeturi naNafishi naKedhima.
Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri.
32Vanakomana vaKetura:
mumwe mukadzi waAbhurahamu akabereka
Zimurani naJokishani naMedhani naMidhiani
naIshibhaki naShua.
Vanakomana vaJokishani
ndiShebha naDhedhani.
33Vanakomana vaMidhiani:
ndiEfa naEferu naHanoki naAbhita naEridhaa.
Vose ivava zvizukuru zvokwaKetura.
Zvizvarwa zvaIsaki nezvemwana wake Esau
(Mav 36:1–19)
34Abhurahamu: ndiye baba waIsaki.
Vanakomana vaIsaki:
ndiEsau naIsiraeri.
35Vanakomana vaEsau:
ndiErifazi naRueri naJeushi naJairamu naKora.
36Vanakomana vaErifazi:
ndiTemani naOmari naZefi naGatamu naKenazi
naTimuna naAmareki.
37Vanakomana vaReueri:
ndiNahati naZera naShama naMiza.
Zvizvarwa zvokwaSeiri
(Mav 36:20–30)
38Vanakomana vaSeiri:
ndiRotani naShobharu naZibheoni naAna
naDhishoni naEzeru naDhishani.
39Vanakomana vaRotani:
ndiHori naHomamu. Hanzvadzi yaRotani
ndiTimuna.
40Vanakomana vaShobharu:
ndiAriani naManahati naEbharu naShefi
naOnamu.
Vanakomana vaZibheoni:
ndiAya naAna.
41Vanakomana vaAna
ndiDhishoni.
Vanakomana vaDhishoni
ndiHamurani naEshibhani naItirani naKerani.
42Vanakomana vaEzeru:
ndiBhirihani naZaavhani naJaakani.
Vanakomana vaDhishani
ndiUzi naArani.
Madzimambo eEdhomu
(Mav 36:31–43)
43Kusati kwambova zvako namambo wokutonga vaIsiraeri,
madzimambo akatonga munyika yeEdhomu ndeaya:
kwaiti Bhera mwanakomana waBheori.
Muzinda wake waiva guta reDhinihabha.
44Bhera paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera
wokuBhozira ndiye akatonga panzvimbo pake.
45Pakafa Jobhabhu, Hushamu wokudunhu
revokwaTemani ndiye akatonga
panzvimbo pake.
46Pakafawo Hushamu, Hadhadhi mwanakomana
waBhedhadhi akakurira
vaMidhiani vaya kunyika yeMoabhu ndiye akatonga
panzvimbo pake.
Zita reguta rake rainzi Avhiti.
47Hadhadhi paakafa, Samira
wokuMasireka ndiye akatonga panzvimbo pake.
48Pakafa Samira, Shauro
weRehobhoti kuna Yufuratesi ndiye akatonga
panzvimbo pake.
49Shauro paakafa, Bhaarihanani mwanakomana
waAkori ndiye akatonga panzvimbo pake.
50Pakafawo Bhaarihanani, Hadhadhi
ndiye akatonga panzvimbo pake.
Zita reguta rake rainzi Pai. Zita romudzimai wake
rainzi Mehetabhieri aberekwa
naMatiredhi mwanasikana waMezahabhu.
51Hadhadhi akazofa. Madzishe okuEdhomu:
ndishe Timuna naAriya naJeteti
52naOhoribhama naEra naPinoni,
53kwouya Kenazi naTemani naMibhuzari
54kwozouya Magidhieri naIramu.
Ivava ava ndivo madzishe okuEdhomu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Nhoroondo 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda