Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 BDSC

Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?” Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka. Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.