Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?” Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka. Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Usiku, ndiri panhoo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, “Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?” Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usiku ndiri pauriri hwangu pfungwa dzangu dzaiva kumudiwa wangu ndaingomutsvaka asi handina kumuona, ndakamudaidza asi haana kudavira. Ndakati regai ndisimuke ndimutsvake muguta iye wangu wapamwoyo mumigwagwa nemumisika ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Vachengetedzi veguta vakandiona pavaingunofamba neguta ndakavati, “Mamboonawo here mudiwa wangu?” Ndakangovati pfuurei ndokubva ndamuwana wandinoda. Ndakabva ndamuti mbunde ndisingade kuti aende kusvikira ndaenda naye kumba kwaamai vangu, mumba mewakandibereka wacho. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋusiku, ndiri panhoʋo dzaŋgu, Ndakamutȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana. Ndikati: Ndicasimuka ɀino, ndifambe‐fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamaɗare Ndi’po pandicatȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamutȿaka, asi handina‐kumuwana. Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta, ʋakandiwana; Ndikati kwaʋari: Matoŋgoʋona unoɗikanwa nomŋeya waŋgu here? Ndakati ndaŋgobva kwaʋari, ndapfuʋura ɀishoma, Ndikamuwana iye unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamuɓata, ndikaramba kumuregedza, Kuȿikira ndamuisa mumba mamai ʋaŋgu, Muimba yomukati yaiye wakandiɓereka. Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Nemharapara nenondo dzokuɓundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)