Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru 3:1-5

Rwiyo Rukuru 3:1-5 SUB1949

Ʋusiku, ndiri panhoʋo dzaŋgu, Ndakamutȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana. Ndikati: Ndicasimuka ɀino, ndifambe‐fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamaɗare Ndi’po pandicatȿaka unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamutȿaka, asi handina‐kumuwana. Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta, ʋakandiwana; Ndikati kwaʋari: Matoŋgoʋona unoɗikanwa nomŋeya waŋgu here? Ndakati ndaŋgobva kwaʋari, ndapfuʋura ɀishoma, Ndikamuwana iye unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamuɓata, ndikaramba kumuregedza, Kuȿikira ndamuisa mumba mamai ʋaŋgu, Muimba yomukati yaiye wakandiɓereka. Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Nemharapara nenondo dzokuɓundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.