Usiku, ndiri panhoo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, “Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?” Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
Verenga chikamu Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo