Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3:1-5 SNA2002

Usiku, ndiri panhoo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, “Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?” Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.