Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 19:1-10

Zvakazarurwa 19:1-10 BDSC

Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti: “Ameni, Hareruya!” Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake mose, imi munomutya, mose vaduku navakuru!” Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti: “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga. Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira. Akapiwa mucheka wakachena, wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.” (Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.) Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.” Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”