Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.” Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi-peri.” Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!”
Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji-zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe. Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzirira.
“Akapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usina tsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.”
Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.”
Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri, “Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwechete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari,” nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.