Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 19:1-10

Zvakazarurwa 19:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti: “Hareruya! Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira. Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho. Akatsiva paari ropa ravaranda vake.” Uyezve vakadanidzira vachiti: “Hareruya! Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.” Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti: “Ameni, Hareruya!” Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake mose, imi munomutya, mose vaduku navakuru!” Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti: “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga. Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira. Akapiwa mucheka wakachena, wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.” (Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.) Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.” Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”

Zvakazarurwa 19:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo ndakanzwa izwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti, “Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nesimba ndezvaMwari wedu; nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi kwakarurama; nokuti akatonga mhombwe huru yakaodza nyika noupombwe hwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwayo.” Ipapo vakapamhidza, vachiti, “Hareruya! Hutsi hwayo hunokwira nokusingaperi-peri.” Zvino Vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari akanga agere pachigaro choushe, vakati, “Ameni, Hareruya!” Izwi rikabva pachigaro choushe, richiti, “Rumbidzai Mwari, imi mose varanda vake, imi munomutya, vaduku navakuru.” Ipapo ndakanzwa sezwi ravazhinji-zhinji, sezwi remvura zhinji, sezwi rokutinhira kukuru, richiti, “Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu waMasimbaose anobata ushe. Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzirira. “Akapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usina tsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.” Zvino akati kwandiri, “Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana cheGwayana.” Akati kwandiri, “Mashoko awa ndeechokwadi aMwari.” Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri, “Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwechete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari,” nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.

Zvakazarurwa 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvi ndakanzwa izwi guru rainge remhomho huru yavanhu mudenga vachidaidzira vachiti, “Areruya! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu. Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chiya chakaodza pasi noupombwe hwacho akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.” Vakadaidzirazve vachiti, “Areruya! Utsi hwaro heko kutogoka nokusingaperi.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya nezvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati pasi kota kota zvichinamata Mwari agere pachigaro choumambo zvichiti, “Ameni. Areruya!” Pakanzwika izwi richibva pachigaro choumambo richidaidzira richiti, “Rumbidzai Mwari wedu imi mose varanda vake nemi vanomutya, vakuru navadiki.” Ndakazonzwa chainge izwi remhomho yavanhu richinge ruzha rwemvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni ine simba richidaidzira richiti, “Areruya! Nokuti Tenzi Mwari wedu Samasimbaose anotonga. Ngatipemberei tichifara timuwanise mbiri nokuti muchato wehwayana wasvika uye mwenga azvigadzirira. Akabvumidzwa kupfeka jira jena rakachena rerineni rakanakisisa jena. Jira rerineni yakanakisisa ndiwo mabasa akarurama avatsvene.” Mutumwa akati kwandiri, “Nyora izvi zvokuti, ‘Vakakomborerwa zvavo vakakokwa kuchirariro chomuchato weHwayana.’ Akanditizve, ‘Aya mazwi chaiwoiwo aMwari.’ ” Ipapo ndakabva ndati pasi gwadagwa patsoka dzake ndichimupfugamira. Asi iye akanditi, “Rega kudaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye ndiri mushandipamwe nehama dzako dzino uchapupu hwaJesu. Mwari ndiye waunofanira kupfugamira uchimunamata; uchapupu hwaJesu ndiwo mweya unavaporofita.”

Zvakazarurwa 19:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo ndakanzwa inzwi guru seraʋazhinji‐zhinji kuɗeŋga, riciti: Hareruya! Ruponeso, nokubginya, nesimba ndeɀaMŋari weɗu; nokuti kutoŋga kwake ndokwaɀokwaɗi kwakarurama; nokuti wakatoŋga mhombge huru yakaʋodza nyika noʋupombge bgayo, akatsiʋa ropa raʋaranda ʋake paruʋoko rwayo. Ipapo ʋakapamhidza, ʋaciti: Hareruya! Ʋutsi bgayo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri. Ɀino Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna neɀisikwa ɀipenyu ɀinna ʋakawira pasi ʋakanamata Mŋari wakaŋga agere pacigaro coʋushe, ʋakati: Ameni, Hareruya! Inzwi rikabva pacigaro coʋushe, riciti: Rumbidzai Mŋari, imi mose ʋaranda ʋake, imi munomutya, ʋaɗuku naʋakuru. Ipapo ndakanzwa senzwi raʋazhinji‐zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru, riciti: Hareruya! Nokuti Ishe Mŋari weɗu wamasimba ose woɓata ʋushe. Ŋgatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana waȿika, mukadzi waro waɀigadzira. Wakapiwa simba kuti apfeke muceka wakanaka, unopenya, usinetȿina; nokuti muceka wakanaka ndiɀo ɀakarurama ɀaʋatȿene. Ɀino akati kwandiri: Nyora, uti: Ʋakaropafadzwa ʋakakokerwa kucirayiro cokuwana ceGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaaɀokwaɗi aMŋari. Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kuɗaro, nokuti ndiri muranda pamŋe cete newe nehama dzako dzinoɓata kupupura kwaJesu; namata Mŋari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mŋeya wokuprofita.

Zvakazarurwa 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)