Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 19:1-10

Zvakaratidzwa 19:1-10 SCLBD

Mushure maizvozvi ndakanzwa izwi guru rainge remhomho huru yavanhu mudenga vachidaidzira vachiti, “Areruya! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu. Kutonga kwake kuri pachokwadi uye kwakarurama. Akatonga chifeve chikuru chiya chakaodza pasi noupombwe hwacho akatsividza pachiri ropa ravaranda vake.” Vakadaidzirazve vachiti, “Areruya! Utsi hwaro heko kutogoka nokusingaperi.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya nezvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati pasi kota kota zvichinamata Mwari agere pachigaro choumambo zvichiti, “Ameni. Areruya!” Pakanzwika izwi richibva pachigaro choumambo richidaidzira richiti, “Rumbidzai Mwari wedu imi mose varanda vake nemi vanomutya, vakuru navadiki.” Ndakazonzwa chainge izwi remhomho yavanhu richinge ruzha rwemvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni ine simba richidaidzira richiti, “Areruya! Nokuti Tenzi Mwari wedu Samasimbaose anotonga. Ngatipemberei tichifara timuwanise mbiri nokuti muchato wehwayana wasvika uye mwenga azvigadzirira. Akabvumidzwa kupfeka jira jena rakachena rerineni rakanakisisa jena. Jira rerineni yakanakisisa ndiwo mabasa akarurama avatsvene.” Mutumwa akati kwandiri, “Nyora izvi zvokuti, ‘Vakakomborerwa zvavo vakakokwa kuchirariro chomuchato weHwayana.’ Akanditizve, ‘Aya mazwi chaiwoiwo aMwari.’ ” Ipapo ndakabva ndati pasi gwadagwa patsoka dzake ndichimupfugamira. Asi iye akanditi, “Rega kudaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye ndiri mushandipamwe nehama dzako dzino uchapupu hwaJesu. Mwari ndiye waunofanira kupfugamira uchimunamata; uchapupu hwaJesu ndiwo mweya unavaporofita.”